Vobika chingwa chembambaira

Muchaneta Chimuka
CHIKAMU cheDevelopment Technology Centre chiri paUniversity of Zimbabwe (UZ) chiri kusimudzira zvidzidzo zvemabasa emawoko kuburikidza nekuita mabhindauko akasiyana sekubika chingwa, mahewu nejamhu izvo zvinogadzirwa kubva mumbambaira.

Mai Angeline Madzima – avo vanova lecturer kuchikamu ichi – ndiye mudzimai ari kuita zvinorova mukuona kuti utano hwemhuri hwasimudzirwa kuburikidza nekushandisa zvirimwa zvakaita sembambaira, madhumbe nemufarinya.

“Tinotora mbambaira todzimenya, todzigadza pamoto uye kana dzaibva todzitswanya-tswanya kuita bota. Tinotora komichi imwe chete yefurawa toisa parutivi uye totora shuga, munyu, mafuta nembiriso zvakaringana.

“Tonorega zvofuta, tozoisa muovhoni kuti chiite chingwa. Izvi zvakakosha nekuti kune vamwe vanhu vanorwara kana vakadya gorosi, saka mbambaira dzakanaka nekuti hadzina zvakawanda uye zvinopa utano nokuti ndiko kudya kwedu kwechivanhu kunokurudzirwa,” vanodaro Mai Madzima.

Vanoti vanogadzira zvakare zvinwiwa kubva mumbambaira.

“Tinogadzira zvinwiwa zvinotodiwa nevana vachienda kuchikoro pamwe nemahewu kubva mumbambaira. Zvinwiwa izvi zvine musiyano nezvimwe sezvo zvisina zvirwere zvinonyuka kuvanhu kubva mazviri,” vanodaro.

Vanoti kuburikidza nembambaira, vanogadzira jamu rekuzora pachingwa iro rinonaka semare.

Mai Madzimai vanotizve vari kutarisira kuvandudza bhindauko iri paUZ kuti vazovawo nemupanda unenge uchitengesa chingwa, mabhanzi nezvinwiwa zvemhando iyi kuvadzidzi nemari yakaderera.

“Kana tikawaniswa nzvimbo yakasununguka, tinovimba tichange tave kutengesa zvigadzirwa zvedu pachikoro kureva kuti vadzidzi havazodhurirwa. Chingwa chava kudhura muzvitoro zvekuti vadzidzi vazhinji vari kusvika pakuomerwa, nokudaro tinofanira kuita nzira dzinoita kuti upenyu hureruke pane kuti tiwanikwe tichingotenga zvinhu zvose,” vanodaro.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×