Handirwire nzungu: Mayweather

Floyd Mayweather
Floyd Mayweather

FLOYD Mayweather (Jr) anoti anogona kudzoka kuzokwikwidza mutsiva hunge kana paine puromota anokwanisa kumubhadhara mari yakanaka.Kuti Mayweather akwanise kurwira mari svinu, anofanirwa kurwa nevatambi vakaita saGennady “GGG” Golovkin, nekuti hakusisina vane mazita makuru vasara vaangakwikwidze navo sezvo Manny Pacquio akasiya mutambo uyu achipinda mune zvematongerwo enyika.

Mayweather ari kufara kuve puromota wetsiva parizvino, uye haasi kufunga nezvekudzoka kuzorwa nevatambi varipo mazuva ano vanosanganisira Tim Bradley, Danny Garcia, Keith Thurman, Kell Brook naShawn Porter.

“Kana mari yakanaka ndingangodzoka,” akadaro Mayweather achitaura nelatimes.com.

“Vatambi vazhinji vanofanirwa kurwa. Ini handina chekurwira. Handina chekuendera kugym. Chandinonzwa kuda kuita parizvino kusimudzira vamwe vatambi vechidiki chete pamwe nekusimudzira mutambo uyu”.

Mayweather nguva pfupi yadarika aida kurwa naConor McGregor mutambi weUFC mumutambo uyo Mayweather aiona kuti waigona kuunza mari yakawanda zvikuru papay-per-view. Asi, McGregor akasarudza zvekurwa naNate Diaz kuUFC 202 muna Nyamavhuvhu kuT-Mobile Arena kuLas Vegas, Nevada.

Murairidzi waMcGregor, John Kavanagh, akati McGregor aitambiriswa US$7 miriyoni dai akabvuma kurwa mumutambo uyu, imwe yose ichienda kuna Mayweather. Zvinonzi MacGregor achiri kuda nezvemutambo uyu asi anoda kuti mari yavanowana vagovane zvakaenzana. — Boxing News 24

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *