Tadious Manyepo ari kuLILONGWE, Malawi
BRUCE KANGWA anoti kupihwa kwaakaitwa mukana wekuve mutambi wekumberi neaimbove murairidzi weHighlanders, Erol Akbay, makore gumi adarika kwakamupa simba rekushanda nesimba uye kuti ave munhu anoziva zvaanoita.
Mutambi wekumashure weCAPS United uyu akatamba zvinonwisa mvura kumberi panguva iyi mushure mokunge Akbay akamuisa pachinzvimbo ichi sezvo Bosso yaive yakatarisana nekushomeka kwevatambi vekumberi muna 2016.
Akanwisa mabhora akawanda kuHighlanders asi mushure menguva pfupi akabva atorwa nechikwata cheAzam chekuTanzania.
Paakazodzoka, akasarudza kuenda kuCAPS United mushure mekutamba nhabvu kwemakore masere ari kuTanzania.
Kangwa, uyo ane makore 37 okuberekwa, anoti haasati apera uye achiri kuzvinzwa kuti anokwanisa kuita zvinorova mumutambo uyu.
Muchinda uyu mumwe wevatambi veCAPS United, avo parizvino vari kuLilongwe, kuMalawi, uko Makepekepe iri kuita gadziriro kwemavhiki maviri mwaka wenhabvu wa2026 Premier Soccer League usati watanga nomusi wa6 Kurume.
Kangwa ari kutaridza kuti anokwanisa kutamba zvinodakadza zvisinei nezera rake zvichitevera kutamba kwaakaita zvokunge achasvika pakudambuka makumbo segurwe apo Green Machine yakakunda Silver Strikers 1-0 mumutambo weushamwari kuSilver Stadium nomusi weSvondo wadarika.
“Ndinofunga panguva iyi apo murairidzi Akbay akandiita mutambi wekumberi zvakandibatsira kuti ndikwanise kuona upenyu nenzira yakasiyana,” anodaro Kangwa.
“Pandakaona kuti ndinokwanisa kutamba pane chimwe chinzvimbo ndakatora mukana uyu ndokuubatisisa.
“Regai nditende Mwari nokuda kwezvose zvaakandiitira pamwe chete nemhuri yangu.
“Unofanira kuziva zvaunoda munhabvu; kuziva zvauri kushandira.
“Saka upenyu hwaunenge unahwo munhandare nekunze hunofanirwa kusiyana.”
Anoenderera mberi achiti: “Unoziva mararamiro ako uye dzimwe nguva unogona kana kushaya rutsigiro
“Chimwe chinhu ndechokuti shanda nesimba. Nguva dzose pakuita gadziriro, unofanirwa kuita nemwoyo wose.
“Ndizvo zvazviri. Zvinokubatsira kuti zvinhu zviendeke zuva nezuva.
“Unoziva, semutambi, unofanira kuziva kwauri kubva. Ndinozvipira pane zvose zvandinoita. Saka kana yave nyaya yekushanda, ndinoisa basa pamberi, zvimwe zvose zvozotevera kumashure.”
Anoti zvakakosha kuremekedza varairidzi.
“Zvose zvandinopihwa nemurairidzi nevamwe vangu, ndinotora ndichiziva kuti vane chinangwa chokuti zvindinakire.
“Ndinozama kuve munhu akavandudzika kubva pane zvandaive zuva rinenge radarika. Izvi zvinondibatsira kuti ndiende mberi uye ndigare ndakagwinya.
Kangwa agara kwenguva refu muligi iri kukura zvakanyanya uye anoziva kukosha kwokuti vabatane sechikwata kuitira kuti zvinhu zvavo zviendeke mumwaka wenhabvu uri kutevera.
“Iyi ndiyo imwe yenzira dzinoshanda kuti mweya wehumwe chete ugare uri muchikwata. Kuve mukembi kunotibatsira nokuti kana uchivaka imba hwaro hwacho hunofanirwa kunge hwakasimba.
“Kembi ine hwaro uye huchatisimbisa tichipinda mumwaka we2026 Premiership,” anodaro Kangwa.



