Handisati ndapera: Utsiwegota

Kingstone Mapupu

MUIMBI akamboita mukurumbira munyika muno nemusambo weUrban Grooves makore adarika, Innocent Rusununguko Utsiwegota, anoti haasati apera uye adzoka mudariro zvine mutsindo nenziyo itsva inonzi “Zimbabwean Girl”, iyo akatopedza kukwenenzvera.

Utsiwegota akaita mukurumbira nenziyo dzinosanganisira “In My Dreams” uye “Country Boy”.

Akazove nekambani yekutsikisa mhanzi yainzi Country Boy Records, iyo yakasimudzira vaimbi vechidiki vakawanda.

Muhurukuro panhare ari kuZvishavane, uko ave kushandira, Utsiwegota anoti achirimo muindasitiri yezvemimhanzi.

“Ndichirimo mudariro, munyaya dzekuimba. Handiperi zvekumhanya kunyangwe mabasa achindiwandira. Kuimba uku chipo chinobva kuna Mwari, saka regai tichishandise. Ndinayo nziyo inonzi ‘Zimbabwean Girl,'” anodaro Utsiwegota.

Anoti ane tarisiro yokuti mukupera kwegore achange aburitsa dambarefu idzva richadarika mamwe ose.

“Kudzoka munyaya dzemimhanzi handipo pakuda kurwisana nevamwe vangu, vaimbi vechidiki vari kusimukira, asi kuti kuda kubatsirana nekupanana mazano pane kuvandudza kwandakaita nziyo dzangu kubva kare,” anodaro Utsiwegota.

Anokurudzira vamwe vaimbi kuti vasadzosere kumashure zvipo zvavo munyaya dzemimhanzi nekuda kwemamwe mabasa avanenge vachiita.

“Sevaimbi, tine mamwe mabasa atinoita, asi ndinokurudzira kuti tisazosvika pakuuraya zvipo zvedu zvekuimba tava kuwandira kune mamwe mabasa aya, ngatizvifambisei zvose,” anodaro Utsiwegota.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *