Handitambe bhora: Fidza

. . . kuenda kwangu kuSa hakuna basa

Abel Ndooka —
MUTUNGAMIRI wesangano reZimbabwe Football Association (Zifa) neCosafa, Phillip ‘Fidza’ Chiyangwa, anoti veruzhinji havafanire kunetseka apo anenge asina kuenda kunotsigira maWarriors mumitambo yawo sezvo iye asingatambe bhora uye chakakosha kuti chikwata chenyika ichi chihwinhe mitambo yacho.

MaWarriors parizvino ari kuSouth Africa kumitambo yeCosafa Castle Cup uye yange iri tarisiro yeveruzhinji kuti Chiyangwa achange arikowo achitsigira chikwata chenyika ichi asi haana kuenda.

Kutanga kwegore rino, pakamboita mutauro zvakare zvichitevera kutadza kuenda kwaChiyangwa kuGabon kunotsigira maWarriors apo aikwikwidza kumitambo yeAfrica Cup of Nations.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Chiyangwa anoti hazvina basa kuti aende kunotsgira maWarriors mumitambo yawo sezvo achikwanisa kuona mitambo iyi paterevhizheni ari kumba kwake.

“Aaaah iwe zvine basa rei? Ipapo tese tiri kungomaona mabhora aya tiri kwatinenge tiri uye chikuru ndechekuti maWarriors ari kuhwina. Kuona hakusi kutamba nhabvu uye isu tisu chikwata chiri kutamba nhabvu inonakidza. Tisu chikwata, zvimwe zvese zviri kuedza kurwisa kuti zvitikunde. Vanhu vangade kuziva kuti ndaenda ikoko, handitambe bhora ka ini,” anodaro Chiyangwa.

Anoti kunyangwe vanhu vataure zvakadii mitambo yeCosafa Castle iyi ndeyake.

“Mitambo iyi ndeyangu uye ndiri panyanga, ndini ndiri kutotonga. Ini zvangu mwana wepaZvimba apa akakurira kuChegutu iye zvino ave kugara kuHarare. Ndini ndakavhura mitambo iyi uye ndiri kuenda nemusi weChishanu kunoivhara zvakare. Zvose zvatovepo, tikiti rendege ndakatengerwa uye ndikatoritumirwa,” anodaro Chiyangwa.

Chiyangwa anoti haana kuenda kunotsigira maWarriors kumutambo weAfrica Cup of Nations muna Ndira kuGabon nekuti aisada kuonana naIssa Hayatou uyo aimbove mutungamiri weCAF.

“Shuwa maida kuti ndiende kuAfcon ndigoonana naHayatou inini, zvinoita here izvozvo? Ndotoonekwa ndakagara parutivi pake, kwete,” anodaro.

Zvakadai, maWarriors ari kutamba nhabvu inonwisa mvura kumitambo yeCosafa Castle Cup kuSouth Africa izvo zvaona achikunda Mozambique 4-0, ndokuita mangange 0-0 neMadagascar uye ndokurakasha zvakare Seychelles 6-0 neSwaziland 2-1.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *