Hanzvadzi dzopumhana huroyi

Tatenda Shuro
HANZVADZIKOMANA nehanzvadzisikana vakamisidzana mudare redzimhosva vachipumhana huroyi hune chekuita nekushandisirana mushonga wemubobobo.

Concillia Gatsi ndiye akamhan’arira Bonfess Gatsi kudare reHarare Civil Court.

“Iyi ihanzvadzi yangu, asi anondituka achiti ndiri muroyi, ndinoroya vana vake kuti vasaroorwe uye achinditi ndinorara naye nemishonga. Anotiwo handisi mwana wepamba pavo pandakakura ndiri, achiti baba vangu vari kuNorton,” anodaro.

Concillia anoti hanzvadzi yake inomutuka nezvinyadzi pamberi pevana vake.

“Bonfess anondituka nezvinyadzi pamberi pevana vangu. Zvose izvi zvekuti ndiri muroyi akaudzwa nen’anga yake saka pokutanga vakanzi vauye nemuroyi wacho asi ndaisaziva kuti ndini ndairehwa.

“Patakaenda, n’anga iya yakasvikoti uyu mwana mudiki haatozive kana mushonga wekubvisa nhumbu ini ndokubuda hangu panze,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Ivo vanaBonfess vakasara mukati muya uye zvavakaudzwa handina kuzvinzwa. Asi tasvika kumba akati n’anga iyi yakange yavaudza kuti yakanyara kutaura ndirimo kuti ndini muroyi wacho.”

Anoti akaenda kumapurisa akanomhan’ara nyaya yekupumhwa huroyi apo akazonzi aenda kudare.

“Chikumbiro changu ndechekuti tiri vatatu mumba medu, pamba pane dzimba nhanhatu saka ndaikumbirawo vasingaroye vabike vega ini ndoita zvinhu zvangu ndega sezvo taigarisana tose hedu,” anodaro.

Bonfess haana kuenda kudare kuti anopewo divi rake.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Concillia gwaro redziviriro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *