
MURAIRIDZI weDynamos FC — Paulo Jorge Silva — anoti haaone pane chakaipa kana akanetsana nevatevedzeri vake vanoti Gift Muzadzi naLloyd Mutasa nenyaya yebasa sezvo vose vari kushanda zvakasimba kubatsira chikwata ichi kuti chikunde mumitambo yacho.
Kubva Silva zvaakagadzwa pachigaro chinopisa ichi kuDeMbare, anonzi ari kuporonga-poronga zvinhu izvo zvamuona achinetsana nevatambi vechikwata chake pamwe nevatevedzeri vake.
Muchinda uyu anetsana kakawanda naMuzadzi pamwe nevatambi vanosanganisira Takesure Chinyama naRodrick Mutumwa.
Svondo rapera, murairidzi uyu anonzi akazoita zvekubatiranwa naMuzadzi pamwe naAugustine Mbara kaputeni weDeMbare apo akange atosvorana naProphet Walter Magaya veProphetic Healing and Deliverance Ministries mushure mekunge vatsutsumwa nemaitiro aiita muridzi wepembe apo chikwata chavo cheGunners chaitamba neDynamos.
Kwayedza yakaita hurukuro naSilva pamusoro penyonga-nyonga iyi apo akatanga kudya marasha zvakare. “Ndiudze iwe haunetsane nevakuru vako kubasa here? Zviri pachena kwese-kwese, vanhu vanonetsana uye kunetsana uku kunorakidza kuti tiri kuda kubatsira chikwata chedu kuti chikunde mumitambo yacho,” anodaro Silva.
Svondo radarika, munyori mukuru (secretary-general) weDynamos, Webster Chikengezha, akati bhodhi rechikwata chavo rakanyorera Silva tsamba richimuyambira kuti akaramba ane hunhu hwake hwekunetsana nevanhu pese-pese vanogona kumudzinga basa.
Zvakadaro, mumitambo miviri yatambwa neDynamos mwaka uno haisati yambohwina.
Mumutambo wekutanga, yarakashwa neChicken Inn 3-0 kuLuveve Stadium uye wechipiri yakakwanisa kuita mangange 0-0 neTriangle kuRufaro Stadium.
Mushure memutambo uyu Silva akati ane idi rekuti pane vamwe vanhu vaanoshanda navo vasingade kuti DeMbare ihwine.
“Ndinonzwa kuti kune vamwe vanhu vasingadi kuhwinha, zvakaitika pane Chicken Inn uye zvaitika zvakare nhasi (Mugovera wadarika),” akadaro.
Kunyangwe zvazvo Silva asina mazita aakadoma, vatsigiri veDynamos vane fungidziro huru yekuti Muzadzi ndiye ane dambudziko uye vaishevedzera kuti “Muzadzi ngaaende” mushure memutambo wechikwata chavo neTriangle.
Zvisinei, Silva anoti ane chivimbo chekuti achabatsira DeMbare kuhwina mukombe wePremier Soccer League uyo wayakatorerwa mwaka wadarika neChicken Inn.
Anoti haasi kuzovimbisa kuti DeMbare ichahwina mitambo yayo yese asi kuti ndiyo ichapedza iri shasha yePSL pakupera kwegore rino.
“Kuhwina mukombe wePSL pane basa guru rinoda kubatwa asi ini ndovimbisa kuti ticharwa zakasimba kuti tigopedza mwaka uno tiri shasha mukombe wadzoka kwatiri.
“Hatizohwine hedu mitambo yese asi ini ndakauya kuchikwata chino kuzohwina mukombe chete,” anodaro Silva.



