Harare Girls High yakatenda shasha

VANA vechikoro vanokurudzirwa kushanda nesimba muzvidzidzo zvavo kuitira kuti vagove neremangwana rine pundutso.
Kurudziro iyi yakaitwa nahuman resources manager wekambani yeChicken Slice, Mai Margaret Moyana, svondo rapera pakupihwa kwemibairo kwevana nevadzidzisi vepaHarare Girls High.

“Ndinofara kuunganirwa neshasha munyaya dzedzidzo nemitambo sezvamandiita nhasi nekuda. Ndinokukurudzirai kuti mushande nesimba, siyanai nekuita zvehunyope nekuti hapana anoda kushanda nadzo,” vakadaro Mai Moyana.

Mukuru weHarare Girls High, Dr Beauty Mutsambiwa, vakatenda vana vepachikoro chavo nekuzvibata kwavo.

“Ndinofara nekuti vasikana vari kuzvibata takatarisa kuti vanodzidza muguta umo mune zvimhingamupinyi zvakawanda, tinotonzwa nezvenyaya dzemisikanzwa pano neapo,” vakadaro.

Vakatenda vadzidzisi nekuzvipira mukuita basa ravo zvisinei nekuti mari yavari kubhadharwa haina kuringana.

Dr Mutsambiwa vakakurudzira vabereki kuti varambe vachishingairira kuti vana vavo vawane dzidzo yemhando yepamusoro kuburikidza nekubhadhara mari yechikoro nenguva.

Vana vakatunzvaidzwa pazuva iri vanosanganisira Trish Ngwiringwiri, uyo akahwinha mubairo wekugona kutamba muchongoyo (traditional dance) naAnnie Nyabango, uyo ari kuita Form 6 akakunda muzvidzidzo zvetsika nemagariro.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×