GRADE 7: Zvekungwarira pabvunzo

Ticha Danga
MUSIMBOTI wekubudirira kuita zvinhu nemazvo. Vana mazvikokota vanoti chinhu chikaramba chichidzokorodzwa chinoguma choitwa nemazvo. Ndizvo zvimwe chete nechikoro. Kuti munhu agobuda zvakanaka pabvunzo anofanirwa kuita dzokorodzo (revision) yebasa kubva kumagwaro eshure kuenda kugwaro raachiri kuita.

Chikamu chapera taitarisa mitemo yekunyora chiShona iyo inotibatsira kuti kana tonyora tisadonhedze zvibodzwa nekuti itwotwo twunan’anurwa nditwo twunoshandiswa nevakwenyi vebvunzo (exam markers). Vanenge vaine gwara ravanoshandisa (marking guide) kutanhaura zvibodzwa pabvunzo.

Chikamu ichocho chemitemo handina kuchipedzesa saka ndati ndichisimudzire. Ndakapedzisira ndichiti zviitogama (auxiliary verbs) zvinonyorwa zvakamira zvega zvakaparadzana nezita kana chiito chiri pedyo.

Namatidzwawo dzose dzinonyorwa dzakabatana neizwi riri shure kwadzo. Namatidzwa ndidzo dzinana ba, zve, ko kana su sekuti kweteba, ndipewozve, hauzivisu. Zvivakazwi zvinobatanidzwa neizwi riri mberi kwazvo sezvizvi: sekuru vapfurwa nemombe (ne). Anotaura sen’anga (se), ngano dzepasichigare (dze).

Mazwi atinoshandisa pakubvunza anonyorwa amire oga nekuti tinoataura paine kakutura befu. Ndiwo mazwi anonyorwa sekudai, “sei wanonoka kudai?”, “wakazvarwa riini?”. Mazwi anomira oga sekuti “kwete”, “hongu”.

Kunotiwo mazwi anobatanidza pfungwa akaita sana asi, bva, sezvo, nekuti anonyorwa ari oga sekuti, “iharahwa asi inoita sepwere”, “akura hake bva haana kuroora.”

Nyaudzosingwi (ideophones) dzakadzokorodzwa dzinonyorwa semazwi akaparadzana asi pasina chisungazwi (hyphen). Mienzaniso ndiyo vana pfiku pfiku, mboya mboya, pangu pangu, kachu kachu, kata kata.

Chitaridzamuiti chinonyorwa chakabatanidzwa nechiito sekuti, “ini ndinomufarira”. Ndizvo zvimwe chete nechitaridzanguva, chinonyorwa chakabatanidzwa nechiito sekuti, “sekuru vachauya”. Ndizvowo zvimwe chete nechiranduri, hachipatsanurwi nechiranduri. Zviranduri zvinonyorwa sekuti, “haachadzoka”.

Ngatirangarirei zvakare mashandisirwo epfekedzo (punctuation). Chekutanga chinotarisirwa pasi nevanhu mashandisirwo evara guru (capital letter). Vara guru rinoshandiswa panotangiswa chirevo, pose panonyorwa zita remunhu nenzvimbo.

Vara guru rinonyorwa panotangira mashoko chaiwo anyakutaura. Tinorishandisa zvakare panonyorwa chivakashure chekuremekedza nemazita ekuremenkedza anonyorwa pambere sekuti “VaChimombe”, “Sahomwe”. Pese panonyorwa mazita aMwari tinoshandisa zvakare vara guru sekuti Nyadenga, Musikavanhu, Samasimba.

Mupfekedzo tinoshandisa chindaguma (fullstop) pese panoperera chirevo. Tinoshandisa chifemo (comma) pakawanda muzvinyorwa zvedu. Chifemo chinoshandiswa pese panopatsanurwa zvinhu zvizhinji sekuti nyimo, nzungu, nechibage. Tinochishandisa zvakare kuratidzwa mazwi etsananguro nepese panonyorwa taridza mutauri sekuti Chipo akati, “ko mauya nani?” Chifemo zvakare chinoshanda pese panobatanidzwa pfungwa sekuti, “Paakangopedza kudya, Tendai akabva asuka ndiro”.

Chibvunzo (question mark) chinoshanda pese panoperera mubvunzo. Tinoshandisawo chikuwo (exclamation mark) pese panoperera mazwi anoratidza kushamisika, kana kusheedzera kana kana kuvhunduka.

Kana tichinyora zvinhu zviri kuda kudomwa tinoshandisa zvindonhwe (colon). Tinoshandisa chidonhwegasva (semi colon) pese panonyorwa pfungwa mbiri dzinoenderana.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×