Harare Poly yogadzira mafuta ekuzora

Daphne Machiri

KOREJI yeHarare Polytechnic yava kugadzira mafuta anobatsira vanhu vanorarama nehusope ayo anotanda zuva achiita kuti ganda ravo risakanganisike.Chirongwa ichi chiri kuitwa nechikamu cheScience Technology Pharmaceutical Department uye izano remudzidzisi wepo, VaRanganai Makasi.

Vanoti pfungwa iyi yakauya gore ra2009 apo vaishandira bazi rezveutano kuchipatara cheGweru General Hospital uko vaiva pharmacist.

VaMakasi vanoti panguva iyi ndipo pavakaona matambudziko ekushaikwa kwemafuta anozorwa nevanhu vanorarama nehusope.

“Gore ra2010, ndakazoenda kuRock Foundation Pharmacy ndikaona dambudziko irori zvakare, kuti mafuta emasope anonetsa kuwana uye anodhura sezvo achibva kunze kwenyika. Pandakauya kuzoita mudzidzisi paHarare Polytechnic, ndakangosvika ndiine pfungwa yekuti vanhu vanorarama muhusope vanoda kubatsirwa,” vanodaro VaMakasi.

Vanoti pari zvino hapasati pave nekambani inogadzira mafuta aya munyika muno.

“Ndiri kushanda nemumwe wevandinodzidzisa anonzi George Tumbura uye tine nzira (formula) yatiri kushandisa kubika mafuta aya. Mafuta aya anoita kuti ganda risakanganiswe nezuva, vanhu vasaita maronda uye kuti risaunyana. Vamwe vechidiki vane makore kana 15 okuberekwa vanove masope, nekuda kwekushaya mafuta anoenderana neganda ravo, vanopedzisira voita kunge vanhu vave nemakore anosvika 40 nekuda kweganda rinenge raunyana. Izvi zvinokonzerwa neinonzi Ultra Violet Radiation kunove kupisa kwezuva.”  VaMakasi vanoti pari zvino vari mubishi kugadzirisa magwaro ekuti mafuta aya ange achiongororwa nesangano reMedicines Control Authority of Zimbabwe (MCAZ) kuitira kuti kana zvaonekwa zvakakodzera, azoshandiswa zviri pamutemo.

“Isu seHarare Poly tinogamuchira zvakare avo vanodawo kubatsira mukuvandudza bara ratiri kuita iri.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *