Harare Poly yovandudza zvivakwa

Munyori weKwayedza —
KOREJI yeHarare Polytechnic iri kuenderera mberi nekuvandudza zvivakwa zvayo zvakasiyana kuitira kuti ifambirane nenguva uye kuti ive yemhando yepamusoro-soro.

Chirongwa ichi chakatanga muna 2013 nekuvakwa kwekiriniki yemandorokwati, mudhuri weduraworo, pekutambira mutambo wetennis, library ine midziyo yechizvino-zvino uye nzvimbo yekuitira misangano yepakoreji iyi.

Imwe shanduko iri kuitwa pakoreji iyi inosanganisira kuvakurudzwa kwedzimba dzekudzira, kuwedzera mabhuku mulibrary pamwe nekuvakwa kwemudhuri unokomberedza koreji yose nezvidhinha zvemhando yepamusoro.

Mamwe mabhindauko achaitwa anosanganisira kuvandudzwa kwemigwagwa iyo yakagadzirwa muna1919 apo payakavambwa.

Harare Polytechnic Principal, Engineer Tafadzwa Mudondo, vanoti mabhindauko aya vari kumaita nedonzvo rekusimudzira koreji yavo.

“Harare Polytechnic yakavambwa muna1919 kureva kuti yava yakare chose nokudaro izvi zvakange zviri zviroto zvedu kuti tinge tichisimudzira nyaya dzedzidzo nezvivakwa,” vanodaro Eng Mudondo. Vanoenderera mberi vachiti, “Kushambidzika kwechikoro chinhu chakakosha, zvinopa chimiro zvichifambirana neruzivo rwechizvino-zvino.”

Mabhindauko aya ari kuitwa zvichifambirana nechirongwa che2015-2020 Strategic Plan zvinova zvinoenderanawo nechirongwa cheHurumende cheZim-Asset chekuvandudza hupfumi hwenyika.

“Chinangwa chedu ndechekuti tisimudzire zita rekoreji yedu kuburikidza nekunaka kwayo,” vanodaro Eng Mudondo.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×