Harare yonzi iri kutyora kodzero dzeveruzhinji

Trymore Muvhawa—

KANZURU yeguta reHarare iri kupomerwa kutyora kodzero dzeveruzhinji kuburikidza nekutadza kuvawanisa mvura yakachena yekushandisa pamwe nekuti vagare munharaunda yakatsvinda sezvinocherechedzwa mubumbiro remutemo wenyika.

Programme manager wesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaTinashe Mundawarara, vanoti kanzuru iyi iri kuisa upenyu hweveruzhinji panjodzi yekutapurirwa zvirwere zvakaita setyphoid nekutadza kuita basa rayo sezvinotarisirwa.

“Kanzuru yeHarare iri kutyora kodzero dzevanhu. Bumbiro idzva remutemo redu pachikamu 77(a) rinoburitsa pachena kuti munhu wose zvake ane kodzero yekunge achiwana mvura yakachena. Asi izvi tinoona kuti handizvo zviri kutevedzwa nekanzuru yeguta reHarare.

“Muchikamu 73 (1) (a) munoburitswawo pachena kuti munhu wose anofanira kunge ari munharaunda yakachengetedzeka, isingakonzera njodzi kuutano hwake,” vanodaro.

Kanzuru yeHarare, vanodaro VaMundawarara, iri kupomera vanhu vanotengesera mumigwagwa kuti ndivo vari kukonzera kunyuka kwezvirwere zvakaita setyphoid.

“Muongororo yatakaita isu seZimbabwe Lawyers for Human Rights, takaona kuti kanzuru yedu iri kuhwanda nemunwe mukuedza kutiza mhosva dzayo apo iri kuti vanotengesa mumigwagwa ndivo vari kukonzera kunyuka kwezvirwere zvemanyoka.

“Chokwadi ndechekuti marara haasi kutakurwa muguta, zvimbuzi zvishoma pamwe nemvura yemumapombi inenge yakasviba saka izvi ndizvo zvimwe zviri kukonzera utachiona hwetyphoid kwete vatengesi vepanze chete,” vanodaro VaMundawarara.

Asi vakafanobata chigaro chemutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanoti kanzuru yavo iri kuedza nepainogona kurwisa kupararira kwezvirwere zvemanyoka zvakaita setyphoid.

“Sekanzuru yeguta reHarare, tiri kushanda zvakasimba mukuedza kukunda matambudziko atakatarisana nawo. Hongu, tiri kunzwa vanhu vazhinji vari kunyunyuta asi tinovavimbisa kuti munguva shoma inotevera matambudziko avo anenge agadziriswa.

“Vanhu zvakare vari kuchema-chema nenyaya yemvura vachiti yakasviba, asi isu tinotokurudzira vanhu kuti vanwe mvura yedu nekuti yakachena,” vanodaro VaChideme.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×