Harimedi oraira vechidiki

Abel Ndooka
MUIMBI wenziyo dzeChimurenga ari kusimukira, Howard Garan’anga Harimedi, akaparura dambarefu rake rekutanga rinonzi ‘Amai Havarohwe’ iro rinokurudzira vana kuremekedza vabereki vavo. Harimedi, uyo anotsigirwa nechikwata cheDzanambira Crew, anoti vana vazhinji vemazuva ano vave kurasa hunhu saka nziyo dziri padambarefu rake iri akadzitsikisa nechinangwa chekuvarangaridza kuti vachengetedze mirairo yemubhaibheri inovakurudzira kuti varemekedze vabereki vavo.

Damberefu iri — Amai Havarohwe – rine nziyo dzakaita saAmai havarohwe, Vana vapera, Peace, Mwana aita sei? Mwana anenge rombe uye naZunza mukwende. “Mazuva ano handinzwisise kuti vana hunhu hwavo vaisepi, zvinonetsa kunzwisisa.

“Vazhinji vari kutora zvinodhaka izvo zvave kuvapengesa zvekuti vave kusvika pakurasa tsika dzavo votanga kutuka kana kurova anamai vavo kana vatsiurwa. “Ini ndakatora danho iri rekutsikisa mhanzi inokurudzira vechidiki vedu kuti vayeuke mirairo yebhaibheri raMwari rinoti kudza baba naamai vako kuti mazuva ako epanyika agowedzerwa,” anodaro Harimedi.

Muchinda uyu anoti iye zvino ari mushishi kubika DVD redambarefu rake iri iro anotarisira kuzoparura munguva inotevera.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *