‘Pane nyaya, ngazviongororwe’

Muchaneta Chimuka
CHIREMBA wezvechivanhu wekuChiredzi, Sekuru Jonathan Shonhiwa Mupamombe, vanoti mombe ikabereka mhuru mbiri kana nhatu panguva imwe chete zvinogona kushura sezvo zvisingagare zvichitiika. Mashoko avo anotevera kubereka kwakaita mombe yemumwe murimi wekwaSerima, kwaGutu, mudunhu reMasvingo, mhuru nhatu panguva imwe chete, uye dzakafanana pazvose — ruvara nerudzi.

“Hazviwanzi kuitika zvinhu zvakadai, zvekuti panogona kuda kuti murimi ane mhou yakabereka mhuru nhatu mumhuri make munge muchiongororwa kuti makamirai sei pachivanhu uye kana pane zviripo zvinge zvichigadziriswa nenguva,” vanodaro Sekuru Mupamombe.

Asi vanotiwo zvinogona kunge zvakangoitika nenzira kwayo sekubereka kunoita vanhukadzi vana mapatya kana vanyatatu panguva imwe chete.

“Tinotarisa mativi ose, kuchivanhu zvine chirevo chinogona kunge chakaipa kana chakanaka, zvimwe chetezvo nekusainzi. Zvinotogona kukahadzisa vanhu kunyangwe paye panozvara munhu vana mapatya kana vana nguva imwe chete, zvinotoiswa mumabhuku enhoroondo nekuti zvinhu zvinoshamisa muupenyu,” vanodaro.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *