Hart ave kuBurnley

JOE Hart akabva kuManchester City achienda kuBurnley.

Shasha iyi — iyo yaimbove mubati wepagedhi weEngland — akasayina kondirakiti yemakore maviri kuchikwata chaSean Dyche uye ane tarisiro yekuwedzera rimwe gore pamusoro.

Burnley, iyo yagara ina Tom Heaton naNick Pope muchikwata chayo, yakabhadhara mari inosvika £3.5 miriyoni pamwe neimwe ichazotevera yekutenga Hart.

Achitaura pamusoro penguva yake kuEtihad, Hart akaudza CityTV kuti, “Zvange zvichifadza zvikuru, ndakakura zvakanyanya. Ndakauya kuno ndine makore 19 ekuberekwa, ndave kubva ndave ne31 saka inguva ndefu chaiyo uye zvinhu zvakawanda zvakaitika — mhuri, shamwari uye nenhabvu yakawanda!

“Ndinonzwa rudo nekugamuchirwa. Ndaifarira zvikuru rudo rwandaipihwa nevatsigiri veMan City, ndakauya kuno ndiri mutambi weShrewsbury Town, kakomana kaibva kuShrewsbury. Zvainge zvakandikoshera kuve kuchikwata chino chisati chatanga kurwira mikombe uye ndakagamuchirwa kubva pazuva rekutanga. Ndofunga vakaona mandiri mumwe munhu aizoshanda nesimba rake kuti tiende kure.

“Ndaisazokwanisa kuita zvandakaita dai ndange ndisina kugamuchirwa uye ndisina mufaro, saka ndinofara kuti ndakapa vatsigiri nguva yemufaro uye ndinoshuvira kuti ndichagara mundangariro dzavo.”

Sportsmail yakaburitsa svondo radarika kuti mutambi uyu ange ave kusvika pakubva muchikwata ichi icho chaakatambira kwemakore anodarika 12 zvichitevera kuburitswa kwaakaita naPep Guardiola.

Akapedza mwaka wadarika ari kuWest Ham uko akaendeswa nechikwereti, asi haana kutamba zvakagutsa kuti apinde muchikwata chaGareth Southgate chakaenda kunokwikwidza kumutambo weWorld Cup.

Mwaka wa2016-17, akaupedza ari kuTorino inokwikwidza muSerie A uko akaenda nechikwereti, ndokutamba ka37 ndokuzodzoka kuEngland. — SportsMail Football

 

Related Posts

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×