Hatibvi muSuper League: Mudzova

Abel Ndooka —
MURAIRIDZI weTomlinson Netball Queens – Vitalis Mudzvova – anoti chikwata chavo chicharwa semvumba mumwaka wacho wekutanga muSuper League zvichitevera kusimudzirwa kwachakaita chichibva kuDivision One.

Mudzvova akataura mashoko aya svondo radarika muHarare pamhemberero dzekupihwa mukombe wakahwinwa nechikwata ichi kuDivision One.

Pachiitiko ichi zvakare paiparurwa kubatana kweTomlison Queens nekambani yeChapeta Fresh Water Suppliers, iyo ichange ichikotsvera chikwata ichi.

“Zvikwata zvizhinji zvaishuvira kupinda muSuper League mwaka uno asi zvakaramba, isu tikapinda nekuti takarakidza kuti tiri shasha, saka tauya zvachose muSuper League.

“Takatarira chinhu chimwe chete muSuper League – mukombe chete uye rutsigiro rwataona nhasi kubva kuvakotsveri vedu pamwe nevatsigiri runodadisa.

“Saka tichavaunzira mukombe,” anodaro Mudzvova.

Kambani yeChapeta Fresh Water Supplies yakatsidza kuti ichamira neTomlison Queens mwaka uno nemimwe inotevera ichibatsira kusimudzira chikwata ichi.

Chapeta Fresh Water Supplies – iyo inotungamirirwa naThomas Chapeta – yakapa Tomlinson Queens mabhazi maviri ekushandisa pakufamba apo inenge yave kuenda kumitambo yayo.

Achitaurawo pamhemberero idzi, Chapeta anoti donzvo ravo ndere kusimudzira chikwata ichi.

“Makambani mazhinji anongomhanya kudira mari kuzvikwata zvenhabvu yevanhurume asi zvakakosha zvikuru zvakare kuti tipote tichiyeuka vanhukadzi nekuti vakatikoshera muhupenyu hwedu.

“Saka ngatiite mudungwe wekumhanya kuzodira mari mumitambo yemadzimai kuti vasimukirewo ramangwana ravo rigove rakajeka,” anodaro Chapeta.

Anoenderera mberi achiti pamusoro pemabhazi maviri avakapa kuTomlinson Queens, vachabatsira chikwata ichi nezvimwe zvakaita semvura yekunwa kumitambo yacho pamwe nekuchitsvagira mayunifomu.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *