Samaita ozarukirwa nematenga

Abel Ndooka —
MUIMBI weSungura — Brian Samaita — anoti kushanda kwaakaita naAgatha Murudzwa padambarefu rake riri kupisa parizvino rinonzi Kumazivandadzoka kwamuzarurira mikana yakasiyana sezvo mhanzi yake yave kuteverwa nevatsigiri vakawanda zvikuru.

Dambarefu raSamaita rechina iri rine nziyo dzinosanganisira Jerusarema iyo yaakaimba naMurudzwa uye kambo aka kari kufarirwa zvakanyanya nevatsigiri.

“Ndinotenda zvikuru kushanda kwandakaita nehanzvadzi yangu — Agatha Murudzwa —nekuti kwakandizarurira mikana yakasiyana.

Rutsigiro rwangu rwawedzera, kana mumakereke mhanzi yangu iri kutambirwa zvinofadza zvikuru.

“Zvakakosha chaizvo kuti vaimbi vemisambo yakasiyana vangave veSungura, Dendera kana Zim-dancehall tipote tichibatana, tichishanda tose nekuti zvinotibatsira mukukura kweindasitiri yemhanzi,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Ini chitendero changu chakabva chawedzera kusimba zvichitevera kushanda kwandakaita naMurudzwa.”

Muchinda uyu — uyo anotsigirwa nechikwata cheMurondatsimba Express — akashanda nevamwe vaimbi vanosanganisira Shiga Shiga panziyo dzinoti Ndinokutendai naNdave Kuenda.

Samaita anozivikanwa zvakanyanya zvichitevera mamwe madambarefu ake aakatsikisa kare anosanganisira anoti Nemiwo Munazvo, Murodzi Wepfungwa naTsono.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *