Eddie Chikamhi naBlessing Malinganiza
KAPUTENI wemaWarriors, Marvellous Nakamba, anoti chikwata chenhabvu chenyika ichi hachisi kuenda kuMorocco sevashanyi sezvo vari kuda kurwa semvumba mumutambo we2025 Africa Cup of Nations.
MaWarriors, ayo ange achiita gadziriro muHarare kwemasvondo maviri adarika, akasimuka kuenda kuMorocco nomusi weChipiri svondo rino uye anoda kuti pave nemusiyano mumatambiro avo, apo vari kutamba kechitanhatu kuAFCON.
Zimbabwe yakabudirira kuenda kuAFCON kanokwana kashanu, asi haisati yambotamba zvekubuda mumapoka mainenge yakaiswa kubva muna 2004 payakatanga kuenda kumakwikwi aya.
Zvichitevera rutsigiro rwakasimba rweHurumende, kuburikidza nekupa zvekushandisa, Nakamba anoti anonzwa kuti yakwana nguva yokuti maWarriors atambe zvinonwisa mvura senzira yokutenda rutsigiro rwavari kuwana.
“Ndakamirira maWarriors, ndinoda kuti kuHurumende yedu tinotenda nekucherechedza mitambo sechombo chekubatana, kupa rudadiso uye kuwanisa mikana,” anodaro Nakamba.
“KuZIFA (Zimbabwe Football Association), tinotambira kuzvipira kwenyu mukuita kuti nyaya dzemutambo wenhabvu dzive dzinoendeka. Kuvakotsveri vedu, rutsigiro rwenyu rwunobatsira zvakanyanya mugadziriro yedu uye kusimbisa kutenda kwedu.
“Kuvanhu vemuZimbabwe, rutsigiro rwenyu rwunotisimbisa. Ndimi munoita kuti tirwe semvumba. Sevatambi, tinonzwisisa mutoro watakatakura.
“Tiri kuenda kuMorocco takazvininipisa, takazvibata uye kuzvipira. Hatisi kuendako sevashanyi. Tiri kuenda sevamwe vachakwikwidza zvakasimba.”
Zimbabwe iri muGroup B pamwe chete neSouth Africa; Angola; uye Eqypt, iyo yakambohwinha mukombe weAFCON kanokwana kanomwe.
Nerimwe divi, ZIFA ine chivimbo nemurairidzi mutsva wemaWarriors, Marian “Mario” Marinica, uyo akabatsira chikwata cheMalawi kuti chipedze chiri pakati pezvikwata 16, kanove kekutanga kusvika padanho iri kufainari yeAFCON, iyo yakatambirwa kuCameroon muna 2021.
Mutambo weAFCON 2025 uri kutanga nemusi weSvondo kuMorocco uye uchatambwa kusvika musi wa18 Ndira gore rinouya, munhandare pfumbamwe dziri mumaguta anoti Rabat, Casablanca, Marrakech, Agadir, Fes neTangier.
MaWarriors achange ari kuMarrakech. Anotarisirwa kutanga makwikwi aya nekutamba neEgypt musi weMugovera unotevera munhandare inopinda vanhu vanosvika 45 000 yeGrand Stade d’Agadir muguta reAgadir, rinove chinhambwe chemakiromita 250 kubva kwavanenge vachigara.
Mushure mezvo, chikwata chenyika ichi chichadzokera kuMarrakech kunotamba neAngola nemusi wa26 Zvita munhandare yeGrand Stade de Marrakech, chozopinda muBattle of the Limpopo Derby neSouth Africa nomusi wa29 Zvita munhandare imwe chete iyi.
Nakamba anoti haangavimbisi kuti vachanwisa asi kuti vachatamba kusvika pakudambuka makumbo semakurwe.
Mutambi wemaWarriors wekumashure, Teenage Hadebe, uyo akatamba mumitambo mitatu yeAFCON yadarika, anoti anovimba kuti chikwata chavo chine vatambi vakakodzera.
“Ndinonzwa kuremekedzwa zvakanyanya kutambira Zimbabwe mumutambo mukuru uyu,” Hadebe akaudza Zimpapers Sports Hub.
“Ndinokurudzira vatsigiri kuti vamire nesu munhandare. Tinoda rutsigiro rwenyika rwakazara kuti tigobudirira kuMorocco. Ndine chokwadi chokuti chikwata chedu chakagadzirira zvizere,” anodaro.
Mutevedzeri wegurukota rezvemitambo, kutandara, tsika nemagariro, Emily Jesaya, uyo ari kutungamirira chikwata cheHurumende kuenda kuMorocco, anokurudzira maWarriors kuti aite zvinorova nokuda kwezvizvarwa zveZimbabwe zvinosvika 16 miriyoni izvo zviri kuvatsigira.
“Ini pachezvangu ndiri kufara zvakanyanya nekunzwa manyukunyuku kuenda kuMorocco semutungamiriri wechikwata cheHurumende uye kuve nemi (maWarriors) apo muri kutanga rwendo rwemitambo yakakosha iyi.
“Inguva yatinorumbidza, ndichiziva kuti ndinenge ndiripo, ndichikutsigirai padanho rimwe nerimwe. Apo chikwata chedu chiri kugadzirira kukwikwidza mumitambo yemumapoka neEgypt, Angola neSouth Africa, ndinoda kuvayeuchidza kuti vatakure zvishuviro zvedu, zviroto uye zvakatinakira senyika yose,” anodaro.



