Munyori weKwayedza
MURUME wekufukunura guva ravatete vake achida kutora maringi avo emuchato ayo aifunga kuti vakavigwa nawo, Challenge Jasi (38), akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mitanhatu nedare reMurehwa Magistrates Court.
Jasi, uyo anogara kuGoromonzi, akabvuma mhosva yake yekutyora mitemo ine chekuita nekuchengetedzwa kwemakuva paakamiswa pamberi pemutongi wedare iri, VaPanashe Matongo.
Muchuchisi Anesu Gwena vakaudza dare kuti Jasi akafukunura mutumbi wavatete vake, Rosina Dipazhi, avo vakashaya muna 2002 uye vakavigwa kumarinda eMermaid Pool Cemetery kwaMambo Chikwaka, kwaJuru, kuGoromonzi.
Dare rinoti nomusi wa2 Nyamavhuvhu, Jasi akakumbira badza kumuzukuru wake kupurazi raChipunza achiti aida kunochera mishonga yechivanhu musango.
Zvisinei, akazoenda kumarinda eMermaid Pool Cemetery uko akanofukunura guva ravatete vake munguva dzemasikati achida kutora maringi egoridhe ayo aifunga kuti vainge vakavigwa nawo.
Mushure mekufukunura guva iri, Jasi akabva atora marangwanda anosanganisira dehenya, mbabvu nemapfupa uye akatorawo nguwo yeruvara rwegreen nechipika chitema achibva azviisa musaga, kwava kuzvitakura akananga kuHarare.
Muzuva rakatevera, nemusi wa3 Nyamavhuvhu, nenguva dza12.40pm, Jasi akazoenda kuZRP Highlands, muHarare uko aiita tevedzo yeimwe nyaya yaanoti ainge akamhan’ara pakamba iyi.
Akabvunzurudzwa naAssistant Inspector Teredzerai Shonhai avo vakanyumwa mushure mekuona chisaga chaaive akatakura ndokumubvunza kuti chaive chinei.
Jasi akabva adura kuti ainge afukunura guva ravatete vake achida kutora maringi avo emuchato zvakaita kuti asungwe.
Dare rakaudzwa kuti kuita kwaJasi uku kwaive kutyora mutemo unoona nezvekuchengetedzwa kwemakuva.




