Madzimambo oronga bira reLake Kariba

Muchaneta Chimuka

MAMBO Ngezi, VaPeter Pasipamire, vekuMhondoro – Ngezi mudunhu reMashonaland West vanoti zvakakosha kuti paitwe bira kuLake Kariba senzira yekuchenura zvichitevera njodzi yengarava iyo yakauraya vanhu vakawanda uyewo nechinangwa chekupomhodza mikana yekuitika kwetsaona dzerudzi urwu.

Izvi zvinotevera kunyura kwakaita ngarava iyo inozivikanwa nekunzi Mbuya Nehanda kuKariba svondo rapera izvo zvakaona vanhu vanodarika 90 vachirasikira nehupenyu.

Lake Kariba yakareba 5 500 kilometres kubva kumaodzanyemba eZimbabwe zvichibatana nenyika yeZambia.

Vamwe vagari vemunzvimbo dzakadai seMola, Chalala, Siakobvu neBinga vanoshandisa Lake Kariba kuburikidza nengarava kana vachida kubira kumhiri kuenda kudhorobha reKariba kunorapwa, kunohodha nekuita mamwe mabhizimisi akasiyana-siyana vachizokera kumisha yavo.

Kushandiswa kweLake Kariba kwakakosha muraramo yevanhu sezvo kuchiita kuti zvive nyore pamwe nekusadhura kana zvichienzaniswa nekushandiswa kwemabhazi ayo anotenderera nekure nemigwagwa.

Vachitaura nemunyori uno panhare, Mambo Ngezi, avo vanove Senator mudare reSenate, vanoti Lake Kariba inzvimbo yaive nemakuva akawanda makare-kare ayo akazobviswa pachivakwa dhamu iri.

Vanoti mamwe emakuva aya aiva emadzimambo nokudaro gore negore vaigara vachiita mapira nechivanhu chekupomhodza mikana yetsaona, ndufu kana kusagadzikana kwedutu.

Mambo Ngezi vanoti gore rapera nerino, bira iri kana chimwe chechivanhu ichi hapana zvakaitwa.

“Tine madzimambo akadai saMambo Dandawa, Mambo Mudzimu, Mambo Musambakaruna naMambo Mola avo vaigara munzvimbo yakavakwa dhamu iri. Madzimambo aya akafa akavigwa panzvimbo yava nedhamu iyi, saka mitumbi yavo yakafukunurwa ikanovigwa kuHurungwe. Nzvimbo iyi yaigara vanhu vakawanda saka ndinoti Lake Kariba yaiva nemakuva akawanda, kusanganisira emadzimambo aya. Gore negore taisiisa misoro pamwe chete semadzimambo tichishanda nemaDistrict Administrators edu tichipihwa mari dzaibva kuHurumende kuti tiite chivanhu chedu padhamu iri. Asika hazvirevi kuti tingati tsaona iyi yakakonzerwa nekusaita chivanhu nekuti tsaona dziriko uye dzinowanikwa muchadenga, mumvura nemumigwagwa,” vanodaro.

Mambo Ngezi vanoti semadzimambo vane hurongwa hwekuti paitwe bira panzvimbo yeLake Kariba.

“Nezuro chaiye (musi weChina svondo rapera) takatogara pasi nehutungamiriri hwemudunhu kusanganisira Cde Marian Chombo vanova Gurukota reHurumende rinomirira Mashonaland West kuti tigadzirire kuita chivanhu chedu semadzimambo nevagari vemunharaunda nekuti tichenure Lake Kariba. Kune vamwe vanhu vanogona kunge vachiri pasi pemvura vasati vawanikwa, tinovimba kuti vanotozobudiswa panguva iyo chivanhu chinenge chaitwa vachitowanikwa. Madziva aya anoyera uye tinonyunyuta nekuda kwevamwe vanhu vanobva kure chaiko vachiuya vachiita zvimabira zvavo zvemanjuzu vachidira mipunga nezvihwitsi pasina mvumo yehutungamiriri hwemuno. Dambudziko riripo kuLake Kariba kunoendwa nemhunhu wese apo vamwe vanoshanya vachiita zvavanoda sezvo iri kure memisha yevanhu,” vanodaro.

Vanoti zvakakosha kuti chivanhu chinge chichitevedzerwa nguva dzose.

“Chivanhu chiriko uye hatichirambi nekuti tiri vanhu vatema, tinozvinona zvakawanda zviri kuitika munzvimbo dzinoyera dzakadai seNyanga apo vanhu vanogona kungonyangarika vachitotadza kurondwa zvachose. Lake Kariba ine zviyerwa zvayo uye tinotenda vakabata basa rekuburitsa mitumbi yevanhu vakanyura munjodzi iyi nekuratidza hushingi nerudo rwavo,” vanodaro Mambo Ngezi.

Related Posts

Mwedzi 6 mujeri afukunura guva ratete

Munyori weKwayedza MURUME wekufukunura guva ravatete vake achida kutora maringi avo emuchato ayo aifunga kuti vakavigwa nawo, Challenge Jasi (38), akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mitanhatu nedare reMurehwa Magistrates Court. Jasi,…

Ndinobva kuGokwe uye ndinodada nazvo: Rev Chivaviro

Mathew Masinge MUIMBI wenziyo dzechitendero ane mikurumbira uyo ahwina mibayiro yakawanda, Reverend Togarepi Chivaviro, anotenda kuti aita zvakakwana mukurwisa maonero asina kunaka anoitwa neveruzhinji pamusoro pevagari vekuGokwe, kudunhu reMidlands. Rev…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *