Tadious Manyepo naEddie Chikamhi
MUKURU-MUKURU weCAPS United, Farai Jere, anoti havazi kumborohwa nehana nekuda kwemutambo weCastle Lager Premier Soccer League pakati pechikwata chake neDynamos, uyo unozivikanwa nekunzi Harare derby, kuRufaro nemusi weSvondo.
Jere, uyo aimbova sachigaro wePremier Soccer League, nemusi weChipiri svondo rino akasangana nechikwata chake kunzvimbo yavanoita gadziriro ndokuvasimbisa kuti kana vakakunda mumutambo uyu vachapihwa mari yavo yebhonasi inove US$500 yakapetwa kaviri.
Mutambo wekutanga weHarare derby wegore rino wakatarisirwa zvakanyanya nevatsigiri venhabvu sezvo zvikwata zviviri izvi ari makara asingaonane.
Green Machine ndiyo iri kutungamira palog nemapoinzi makumi maviri nemaviri, apowo Dynamos, ine mapoinzi gumi nemanomwe yakagara pechishanu palog mushure memitambo gumi.
Aka ndekekutanga mumakore akawanda kuti Harare derby itambwe nezvikwata zviviri izvi panguva iyo zviri kutamba nhabvu inodakadza.
Zvisinei, zvikwata izvi zvose zvakakundwa mumitambo yazvo svondo rapera.
Makepekepe yakakundwa 1-0 neBulawayo Chiefs kuRufaro, ukuwo Dynamos yakakundwa 2-1 neChicken Inn kuBarbourfields.
Asi murairidzi weDynamos, Genesis Mangombe naTakesure Chiragwi weCAPS United vose vanotenda kuti kukundwa kwavakaitwa ndiko kwavanoda kuti vasimukire mumutambo uyu.
DeMbare haisati yakundwa mumutambo weCastle Lager Premier Soccer League kuRufaro mukati memwedzi gumi, uye nemusi weChipiri svondo rino muzvinabhizimisi, Wicknell Chivayo, akavimbisa kutengera chikwata ichi bhazi kana chikakunda CAPS United.
Asi Jere, achitaura neZimpapers Sports Hub nemusi weChipiri, anoti chikwata chake chakagadzirirawo zvakasimba mutambo uyu.
“Uyu mumwe wemitambo yedu mikuru pakarenda yedu yePSL,” anodaro Jere.
“Mutambo pakati peCAPS United neDynamos unenge uri mukuru, maonero atiri kuita ndeekuti tiri kutamba nechikwata chiri kuita zvinorova pari zvino.
“Ndinofunga kuti iyi ndiyo imwe yenguva yatiri kutamba apo zvikwata zviviri izvi zviri kutamba zvinodakadza muligi.
“Dynamos ikahwina mutambo uyu, iri kuzovhara mukaha mukati memapoinzi maviri, kana tikakunda, tiri kuvhura mukaha pakati pedu navo.
“Pane zvinhu zvakawanda zvatinofanira kutarisa kana tichitaura pamusoro pemutambo uyu.
“Taona mitambo yakawanda yeDynamos neCAPS United ichitambwa muhupenyu hwedu uye uyu unoratidza kuti uchave mumwe uchanakidza zvekukunda ngoma kurira.
“Isu taita chikamu chedu; vakomana vari kunzwa kukurudzirwa; vanoziva mabhonasi avari kutarisira mumutambo uyu. Zvese zvakakurukurwa nevatambi.
“Pane chimwe chinhu chandinoda kuti vatsigiri vedu vazive kana vauya, tinoda kuti vape rutsigiro kuvakomana vedu tichiziva kuti kusvika pari zvino Dynamos yave nemwedzi gumi isati yakundwa muRufaro Stadium.
“Ukatarisa izvozvo uye pavari palog, zvinokuratidza kuti uyu hauzi kuzove mutambo uri nyore. Mwedzi gumi inguva refu uye kana vakapedza mwedzi miviri inotevera pasina kana kukundwa zvinoreva kuti rave gore.”
Jere anoti nyaya yekuti Dynamos iri kuita zvakanaka mwaka uno, zvimwe chete nechikwata chake, zvinoreva kuti Harare derby inogona kudzoka payaimbove kare zvinova zviri kutarisirwa nevatsigiri vavo.
“Dynamos chikwata chihombe uye inoda kuremekedzwa.
“Ndinofunga uchange uri mutambo unonakidza zvikuru. CAPS United ichange ichirwira kuuhwina ukuwo Dynamos ichipinda mauri nemweya mumwe chete,” anodaro Jere.
Nerimwe divi, sachigaro weDeMbare, Vincent Chawonza anoti chikwata chake chagadzirirawo zvakasimba mutambo uyu.
“Uyu mutambo mukuru. Uyu mumwe wemitambo Dynamos inotofanirwa kuhwinha kunyangwe zvoita sei nekuda kwekukwikwidzana kuripo. Saka tinoedza nguva dzose kuona kuti vakomana vasimudzirwa morari yavo.
“Tinozviziva zvakare kuti vatiri kutamba navo vane zvavanoitawo kusimudzira morari yevatambi vavo,” anodaro Chawonza.




