‘Haunyare hanzvadzi yakoba?’

Trymore Muvhawa

IMWE chembere yakachema-chema mudare redzimhosva pamusoro pehunhu hwemuzukuru wayo, anove mwana wehanzvadzi, uyo anonzi anoshinha neshamwarikadzi dzake apo hanzvadzi yake inenge ichiona.

Tete ava, Synia Makamure vakamhan’arira Brighton Mutombo kudare reHarare Civil Court. Vanoti Mutombo ane tsika yekuuya nevasikana vake achishereketa navo pamba hanzvadzi yake ichiona uye kana akamutsiura anobva amutukirira.

“Kamukomana ikaka kane makore 21 asi misikanzwa yacho haibviri.

“Anondishungurudza zvikuru nemaitiro ake. Anouya nevasikana vake pamba achishinha navo hanzvadzi yake ichoina. Munoti kuitawo here? Anenge achidzidzisa hanzvadzi yake chii?” vakadaro tete ava.

Vakati nguva zhinji Mutombo anenge akadhakwa uye anouya kumba kunze kwoedza majongwe orira.

“Kazhinji anopinda mumba kwave kuyedza akadhakwa zvekuti fe-e. Apinda kudaro, anotanga kuridza wairesi ichiita ruzha runonzwika nevavakidzani izvo zvava kundinetsesa nevavakidzani vangu.

“Apa ndipo paasingadi kutsiurwa, ndikangomutsiura chete yava mhosva anogoti neni nanga-nanga ndoshaya kuziva kuti ndatadzei zvangu. Ndinoda kuti dare rimudzivise maitiro ake iwaya uye kuti asandituke ndikamutsiura.”

Mutombo haana kupokana nemashoko atete vake uye akati haana dambudziko kana vakapihwa gwaro redziviriro.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Makamure gwaro redziviriro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *