Takaita zvikukutu namainini

Bvunza Kwayedza naSekuru Mutanga

MUBVUNZO:

Ndiri murume nherera uye ndakaroora mukadzi ndisati ndakura. Ndakachengetwa nababamunini vangu avo vaigara kubasa. Kumba ndaigara namainini mudzimai wababamunini nguva zhinji. Pakugara kwataiita ikoko ndakadanana namainini tichitoshinha tese asi babamunini havana kuzvibata. Ndakazokura kusvika ndaroora. Apa mainini vakabva vatanga kudanana naticha wangu vachindituma nematsamba kwaari. Mainini vaindiudza kuti handitombofanirwa kuzviti bufu kuna babamunini uye kana ndikangodaro vaizoburitsa nyaya yekuti ndakadanana navo.

Iniwo ndakazvinyarara. Nekufamba kwenguva ndakatsvaga basa rekufudza mombe, ndokuzomitisa mwanasikana wevaridzi. Nhamo yangu ndeyekuti ini handina chandinacho, mombe dzababa vangu dzakatengeswa nababamunini vachiroora mukadzi wavo. Zvandakaita zviri kundinetsa mupfungwa uye ndiri kushaya kuti ndozvitaura sei uye kunani. Ndiri kutya nekuti mainini vanoti ndikangozviti bufu bedzi vanobva vafumura zvandakaita navo. Ndibatsireiwo.

MHINDURO:

Iyo yawakaita ndiyo ichakushungurudza dakara upinde muguva muzukuru. Kudanana naamai? Ichi chipini chisingaite uye zvinokwanisika kuti amainini vako ava vakakushandisira mishonga pakuti muite izvi. Pachivanhu, kana nyaya iyi ikazivikanwa munotoripiswa nevakuru vematunhu nekuti makaita makunakuna.

Asiwo ivo amainini vako vanatwowo! Vapedza newe vobva vanhanhira kuchimwe chikomba? Zvivindi zvekutuma iwe kuchikomba vanozviwanepi? Kanaiye musikana wawakamitisa akaziva nyaya iyi munotorambana.

Ivo babamudiki vako vakazviziva muchato unopera uye vanoita sevachakutema nedemo.

Kana zvichiita taura nyaya iyi kumadzitete, madzimbuya kana madzisekuru vamainini kuti ndizvo zvakaitika wonzwa kuti vachati kudii. Ndivo vachagara nehama yavo pasi vomuudza kuti zvaakaita uye zvaari kuita zvine njodzi. Pasina kuita izvi, iyi inyaya yauchasvika pakufa uinayo muhana mako.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *