Herentals musha wekuvaka, kuvandudza hunhu

HURONGWA hwedu hunoenderana nezvinodiwa nevanhu vose.

Herentals Group of Colleges and Schools iripo pakuzadzisa zvido zvevanhu, zvisinei nemamiriro anenge akaita zvinhu.

Mari yedu yefizi inotarwa kuchitariswa nzvimbo kana kuti nharaunda inenge iine chikoro.

Herentals Group yave pachidanho chepamusoro zvekuti haichatarisa budiriro yayo pachezvayo asi budiriro yenharaunda yakazara.

Mari yefizi yeForm 1 inobvira pa$30 kusvika $45 zvichienderana nenzvimbo inenge yasarudzwa nemudzidzi.

PaZero Grade neGrade 1, mari yepasi inotarisirwa kubhadharwa i$30.

Herentals ine zvikoro zvakatekeshera kumativi mana enyika izvo zvinoita kuti vana nevabereki vasarudze zviri nyore kwavanoda kufundira. Vanotsvaga nzvimbo vanonyoresa pachena.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *