Hochekoche yasarungano navateereri

Munyaradzi Gunduza
SARUNGANO vaiva ambuya kana sekuru vedunhu vane utsome pamwe neuseza hwenharaunda nemararamiro aitarisirwa mutsika namagariro avatema.

Sarungano aive akangofanana nebhuku, mudzidzisi kana sahwira nokuti aipa vana ruzivo pamusoro penharaunda, uye rairo dzinodiwa maringe neupenyu hwavatema.

Aitorwa sebhuku sezvo mubhuku murimo munowanikwa ruzivo, uye mhinduro dzezvinhu zvakasiyana-siyana izvo vanhu vanenge vasina ruzivo pamusoro pazvo.

Sarungano aipa vana mhinduro pamibvunzo yaibata nharaunda dzavo sokuti sei dzimwe mhuka dzichigara mumvura, dzimwe dzisina muswe, uye dzimwe dzichigara musango.

Pakupa mhinduro idzi sarungano ainge atoshanda zvakangofanana nezvinoitwa nemabhuku esainzi aya anotsanangura mamiriro akaita nharaunda pamwe nezvisikwa zvakasiyana-siyana.

Sarungano ndiye zvakare aichengetedza chivanhu pamwe netsika namagariro avatema kuburikidza nekudzidzisa vana unhu hunotarisirwa zvichibva mungano dzakasiyana-siyana.

Vana vaidzidzawo ngano dzakasiyana-siyana kubva kuna sarungano izvo zvaivabatsira kuti vazovewo nyanzvi mukutaura ngano idzi kune vamwe vavo.

Nokudaro, sarungano aive denhe reruzivo rwose.

Kana rungano rwuine rwiyo, sarungano aive nebasa rekuvamba rwiyo pamwe nokudzidzisa vana nziyo nemaimbirwo adzo.

Pakuita ngano, sarungano haaigona kuita ngano ari oga pasina vateereri nokuti ndivo vaimupa manyawi okuita ngano.

Vateereri vaibvumira nziyo dzaiimbwa nasarungano, uye sarungano aipa vateereri nguva yekuti vambodzokororawo ngano dzaainge achivaudza achida kuona unyanzvi hwavo mukubata zvavanenge vadzidza.

Nokudaro, sarungano aishanda semudzidzisi anopa vana bvunzo pamwe nebasa rekuita kuti aone kana vakwanisa kubata zvavanenge vadzidza.

Nokuda kwehochekoche iripo pakati pasarungano nevateereri, zvinotaridza kuti pasina sarungano hapana rungano, uye pasinawo vateereri hapana rungano sezvo sarungano aisakwanisa kuita ngano ari oga.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×