‘Hokoyo nekupisa kwakanyanya’

Elita Chikwati

BAZI rinoona nezvemamiriro ekunze, reMeteorological Services Department, riri kuyambira veruzhinji kuti Zimbabwe inogona kusangana nekupisa kwakadarikidza uko kusati kwamboonekwa kutanga nemusi weChitatu chino kusvika Muvhuro unotevera.

Muchinyorwa chakatumirwa neMSD, inokurudzira veruzhinji kuti vatore matanho ekuzvidzivirira kubva mukupisa kwekunze kwakanyanya uku ichiti mamiriro ekunze anogona kupisa zvekusvika ku40 degrees Celsius, kunyanya kunzvimbo dzakadzikira dzeZimbabwe dziri kuZambezi nekuLimpopo.

Nzvimbo idzi dzinosanganisira Kanyemba, Kariba, Binga, Victoria Falls, Beitbridge, Chiredzi, Chisumbanje neChipinge.

“Kunze kwange kuchipisa zvikuru kunzvimbo dzakasiyana munyika kubva musi weSvondo 20 Gumiguru 2019. Zvakazodzikira masikati emazuva adarika svondo rino kunzvimbo dzakaita seMatabeleland South, Midlands, Masvingo neManicaland nekuda kwekakutonhorerera uye mwando wange uchipinda munyika.”

MSD inoti kutanga neChitatu chino kusvika Muvhuro unotevera, mamiriro ekunze anotarisirwa kushanduka kuchizopisa zvikuru munzvimbo zhinji dziri munyika.

Bazi iri rinoti zvakakosha kuti veruzhinji vatore matanho ekuzvidzivirira kubva mukupisa kwekunze uku.

“Nekuda kwekureba kwenguva apo mamiriro ekunze anenge achipisa zvikuru, veruzhinji vanokurudzirwa kuti vagare vachinwa mvura yakawanda, vapfeke nguwani dzekuvhariridza zuva kana vachinge vachishandira pamhene uye kutora mamwe matanho anoderedza matambudziko anokonzerwa nekupisa kwekunze kwakadarikidza,” inodaro MSD.

Mugore ra2016, dzimwe nzvimbo dzenyika ino dzakasangana nekupisa kwakanyanya zvekudarika zvakamboitika kumakore ekuma1960.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×