Hokoyo nemishonga: Zinatha

Kingstone Mapupu —
MUKURU wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti madzimai maviri ekuBulawayo, avo vakafamba vari musvo pamwe nevana vavo mushure mekunge vapihwa mushonga wekugeza nen’anga apo vaifungira kuti tezvara wavo ari kuvashandisira mubobobo vanogona kunge vakakanganisa mhiko dzemushonga uyu.

“N’anga padzinopa mishonga dzinopa nemhiko dzekutevedza. Dzimwe nguva madzimai aya pane zvavakavhiringa mishonga iyi ndokubva yatadza kushanda zvayaifanirwa kuita,” vanodaro.

Vanoti nyaya dzemishonga yechivanhu dzinoda kuchenjererwa sezvo mamwe machiremba anokwanisa kupa vanhu mishonga isiriyo, yozovapandukira.

“Kazhinji mishonga ine chekuita neropa revanhu kana kuti inosanganiswa nevhu rekumakuva inopanduka nekuti ivhu rekumakuva rakangofanana nekuti munenge matora vanhu kupinza mudzimba dzenyu, mweya yevafi ava yozomuka yorwisana nemi,” vanodaro.

VaKandiyero vanoti dzimwe nguva kana chiri chokwadi kuti tezvara ava vakaromba, mishonga yakapihwa varoora ava nen’anga inogona kunge yakakurira neyatezvara.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *