Joseph Madzimure
MAZANA evanhu vanogara kumabvazuva kweHarare, kuRuwa nekuEpworth nemusi weChina vakawaniswa mukana wekutenga hupfu hune mutengo wakaderera mushure mekunge Grain Millers Association of Zimbabwe yaendesa matani 600 muzvitoro zveko.
Zvitoro zviri kuRuwa, Epworth, Mabvuku nemuTafara zvakawaniswa hupfu uhu pasi pechirongwa chitsva chekuti hupfu husvike kuvanhu.
Kuiswa kwehupfu muzvitoro zvemuHarare kwaifanira kutanga nemusi weChitatu asi ndokukanganisika nezvikonzero zvinosanganisira kunonoka kubhadhara kwakaitwa nevezvitoro nekumira kushanda kwemarezinesi ezvimwe zvitoro.
Kwayedza yakashanyira zvimwe zvitoro munzvimbo idzi, kusanganisira kuEpworth uko yakaona marori aine hupfu.
Dzimwe nzvimbo dzakashanyirwa kuEpworth dzinosanganisira kwaZimunhu, kwaMunyuki, kwaSalani, kuOver Spill nekuDomboramwari.
Zvitoro zvishoma ndizvo zvakapihwa hupfu zvimwe zvakanga zvakavharwa nekuda kwekuti vanhu vakanzi vambogara mudzimba kwemavhiki matatu nekuda kwechirwere cheCovid-19.
Chitoro chimwe nechimwe chakawana masaga 300 asi marezinesi ezvitoro zvizhinji akamira kushanda kupera kwemwedzi wapfuura.
Vanhu vaitevedzera murawo unoti vasagumhana kudzivirira kuparadzirwa kwechirwere cheCovid-19 apo vainge vamire mumitsetse yekuti vatenge hupfu .
Marori ehupfu ainge aine mapurisa avo vaiongorora kuti hupfu hwaenda kuvanhu vanofanira kuhuwana.
Mapurisa aya zvekare vaiongorora kutengeswa kwehupfu muzvitoro nechinangwa chekuti husvike kune vakakodzera. Vaanhu vakawanda vanofara kuti hupfu vave kuhuwanira pedyo.
VaAmon Manyemba vakatenga 10kg yehupfu paMunyuki ndokutenda Hurumende nekurerutsa nzira dzekuti vahuwane muzvitoro zveko.
“Tiri kufara nezvaitwa neHurumende kuziva kuti vanhu vanoda kudya apo takanzi tigare mudzimba senzira yekudzivirira kuapararira kweCovid-19,” vanodaro.
Mumwe ane chitoro uku anoti vachatengesa hupfu nemutengo wakatarwa.
“Tiri kutairisira kuwana humwe hupfu hwakawanda kuti munhu wose anoduda ahuwane. Tichatanga kupa mukana kune vanorarama nehurema nevakwegura. Ndakwanisa kuwana mapakiti 300 ehupfu zvisinei nekuti haukwane kana tikatarisa vanhu vari kuhuda.
Sachigaro weGMAZ, VaTafadzwa Musarara, vanoti vanogaya hupfu vari kuhupa zvichienderana nenzvimbo.
“GMAZ ine chirongwa chakanangana nekupa vanhu hupfu zvichienderana nenzvimbo. Tatotanga chirongwa ichi uye tinotarisira kuti tichashanda zvakanaka nevezvitoro uye tinofara nemapurisa eZRP pamwe chete nemauto avo vari kuona kuti zviri kufamba zvakanaka.”
Vanoti vakapa zvitoro zvemuHarare matani 600 ehupfu.
VaMusara vanoti vakaona kuti kuEpworth kune zvitoro zvakawanda izvo zvisina marezinesi zvikaita kuti kuende hupfu hushoma kusvika Epworth Local Board yagadzirisa nyaya dzemarezinesi aya vhiki rinouya. Vanokumbira Hurumende kuti mota dzinotakura hupfu dzipfuure zviri nyore pamapurisa anenge ari mumigwagwa kuitira kuti hukasike kupinda muzvitoro.
Vanotizve kuuya kwechibage kuri kuwedzera.
“Tiri kushandawo neHurumende panyaya iyoyo. Takati toipa matani 40 000 kuitira kuti pange paine hupfu hwakakwana kana nguva yekugara kwevanhu mudzimba ikawedzerwa. Tinahwo hupfu ihwohwo huri kuuya asi vari kuda hupfu vakawanda,” vanodaro.
“Tinoda matani anosvika 80 000 pamwedzi semabhizimisi akazvimirira. Izvi zvinoda mari inosvika $25 million,” vanodaro.
Mukur weConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vanoti vezvitoro havafanire kuisa hupfu uhu pamukoto.




