‘Handidi coronavirus . . .’

Munyori weKwayedza
NYAYA yemwana chipwere — uyo anotaura kukosha kwekugeza maoko ake kuti asabatwe necoronavirus — yatenderera pamadandemutande uye inopa dzidziso kune veruzhinji.

Mwana uyu ari kubuda asina kupfeka hembe kumusoro uye maoko ake aine sipo iyo ari kunyatsozora achiageza.

Vhidhiyo remwana uyu rinotanga nezwi remunhukadzi anomubvunza kuti ari kumboitei.

“Uri kugezerei maoko . . . ?” izwi remunhukadzi rinobvunza.

Kamwana kanobva kapindura: “Coronavirus inozondibata. Handidi coronavirus pano apa.”

Munhukadzi anobvunzazve: “Saka kwanzi muite sei?”

“Tigeze maoko nesipo,” mwana uyu anopindura.

Vhidhiyo iri riri kutenderera pamadandemutande sepaWhatsApp, paTwitter nepaFacebook uye rinodzidzisa kukosha kwekuti veruzhinji vageze maoko avo nesipo senzira yekudzivirira kubatwa necoronavirus.

Coronavirus hutachiona hunokonzeresa chirwere cheCovid-19 icho chabata vanhu vanodarika mamiriyoni maviri nekuuraya vamwe vakawandisa pasi rose.

Kusvika nemusi weChina wadarika, bazi rezveutano nekurerwa kwevana rinoti vanhu 24 vange vavhenekwa vakawanikwa vaine Covid-19 muZimbabwe. Pavanhu ava, vatatu vavo — vose vanhurume — vakatoshaya.

Veruzhinji vanokurudzirwa kugeza maoko avo nesipo nemvura inomhanya uye kwemasekonzi anosvika 20 senzira yekudzivirira kubatwa neCovid-19.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *