Hurumende yagadzirira kurwisa ‘cyclone’

Theseus Shambare

HURUMENDE yakapa mari kumatunhu ose enyika yekusimbaradza gadziriro uye kurwisa njodzi dzine chekuita nekunaya kwemvura apo dzimwe nzvimbo dzinotarisirwa kusangana nedambudziko remafashamu panguva ino yemwaka iyo inonaya mvura yakawandisa.

Mvura zhinji iri kutarisirwa kuramba ichinaya kusvika nemusi weMugovera svondo rino izvo zvinogona kukonzera mafashamu.

Pamusoro pezvo, pane njodzi yekunaya kwemvura ine dutu guru, nekudaro zvakakosha kuti nzvimbo dzose dzive dzakagadzirira.

Kunyangwe mvura iri kunaya iri kubatsira zvakanyanya panyaya yekusimudzira mabasa ekurima zvichitevera kunaya kusina tsarukano kwayange ichiita makore adarika, izvi zviri kuona mvura iyi ichive njodzi kuvanhu munharaunda, kuzvipfuyo nezvirimwa munzvimbo dzinowanzoitika mafashamu.

Izvi ndizvo zvaita kuti Hurumende itore matanho nechimbi-chimbi.

Muhurukuro, Department of Civil Protection chief director, VaNathan Nkomo, vanoti mari yemaUS$ yavakapihwa yange iri kubhanga yakatoendeswa kare kumatunhu anogara akatarisana nedambudziko remafashamu kuitira kuti pave nerubatsiro rwechimbi-chimbi kana pachinge pazoitika njodzi.

“Parizvino tave pakati pemwaka panowanzonaya mvura ine dutu guru, kubva muna Ndira kusvika Kurume uye takagadzirira zvakazara kana pachinge pane zvinozoitika.

“Kekutanga, takatambira mari iri mumaUS$ iyo yakanangana nekubatsira vanenge vasangana nematambudziko uye mari iyi yakatoendeswa kare,” vanodaro VaNkomo.

Vanoti Zimbabwe yakasimbaradza gadziriro dzayo dzekurwisa njodzi zvichitevera zvidzidzo zvayakawana kubva kuCyclone Idai, iyo yakakonzera kuparadzwa kwakanyanya pamwe chete nekurasikirwa nehupenyu hwevanhu, kunyanya kudunhu reManicaland.

Mvura zhinji yange ichinaya kuMozambique nguva pfupi yadarika yakaona zvakare pachive nekuwanda kwemvura kune dzimwe nzvimbo dzemuZimbabwe idzo dzinosanganisira Chiredzi, Mwenezi neChivi, kuMasvingo, uko madhamu ane chitsama ave kufashukira.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *