Hurumende yakagona: N’anga

Muchaneta Chimuka

MUTUNGAMIRIRI wesangano rinomiririra varapi vechivanhu nevemachechi, reZimbabwe National Practitioner’s Association, Sekuru Friday Chisanyu, vari kurumbidza danho rakakatorwa neHurumende rekuti magungano anosanganisira emachechi nemichato zvimbomira kuitwa kwemazuva 30 nechinangwa chekuedza kumisa kutapurirana nekupararira kwechirwere cheCovid-19.

“Hongu, zvinogona kurwadza vanhu vazhinji kuti vanga vachangopinda mumwedzi waNdira nekudaro homwe dzanga dzakatsva nekuda kwe’January Disease’. Chakakosha upenyu neutano nekuti kana vanhu vakarwara nyika haiite budiriro nekudaro kudzivirira kuri nani pane kuzorapa chirwere chacho uye hachisati chava nemushonga unochirapa,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Vanoyambira vemachechi nen’anga kuti vambomira kuita zvirongwa zvinoda kuungana kwevanhu.

“Kana mukaona Hurumende yotora matanho akadai, hazvirevi kuti ine utsinye nevanhu, kwete. Kuzama nzira dzose dzingaita kuti vanhu varambe vari vapenyu.

“Chirwere cheCovid-19 chinouraya, ndokusaka zvichinzi vanhu vambogara kumba nekuti mukufamba-famba vanhu vachiita mabasa akasiyana nehuwandu hwavo ndimo mukutekeshera kwacho chozonetsa kudziviririra,” vanodaro.

Mumwe murapi wechivanhu wekuChitungwiza, Sekuru Peter Maponda, vanoti vakapihwa magirovhosi nemasanitizer nebazi rezveutano nekurerwa kwevana ekushambidza maoko evanhu vanoenda kumatare avo vachinotsvaga kubatsirwa.

“Hakuchina nyaya dzekukwazisana uye tinotarisa kudziya kwemuviri munhu asati apinda mumatare edu zvekuti kana tichinge taona kwakanyanya tinomutumira kune chikwata cheRapid Response Team kuti abatsirwere nenguva,” vanodaro.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×