Hurumende yogadzirisa makomba emumigwagwa

Muchaneta Chimuka

BAZI rinoona nezvezvifambiso nekusimudzirwa kwezvivakwa rinoti rine hurongwa hwakasimba hwekuona kuti makomba-makomba ari mumigwagwa yakawanda, zvichitevera kunaya kuri kuita mvura zhinji, agadziriswa nechinangwa chekuti vatyairi vedzimotokari vafambe zvakanaka pamwe chete nekudzivirira tsaona.

Mashoko aya akataurwa naEngineer Jarawani Kangara vanova Director of Roads kubazi iri zvichitevera kuchema-chema kuri kuitwa nevagari vemunzvimbo dzinosanganisira kuChitungwiza nekuda kwekuipa kwaita migwagwa.

“Makomba emumigwagwa idambudziko guru rinoshungurudza vafambi munyika yese, zvikuru sei migwagwa yakadai seSeke neDomboshava apo vatyairi vari kutora nguva ndefu vachiedza kunzvenga makomba emumigwagwa iyi. Mvura zhinji iri kunaya mwaka uno yasakisa kuti makomba aya ange achivhurika akawanda mumigwagwa zvinoisa vatyairi nevafambi panjodzi. Sebazi rinoona nezvemumigwagwa, tiri kuramba tichiita ongororo kuti tizive nzvimbo dzine makomba aya tichishanda neveruzhinji apo vanotinyeurira uye hatisi kuzomira kugadzirisa matambudziko aya nekuti tiri kufambirana nemuono wemutungamiriri wenyika unoti hakuna nzvimbo kana dunhu rinofanira kusara kumashure munyaya dzebudiriro,” vanodaro.

Eng Kangara vanoti Hurumende yakaunganidza midziyo yekushandisa mukugadzirwa kwemigwagwa uye pari zvino vamwe vashandi vari mushishi kugadzira mugwagwa Seke kubva muHarare uye neweHarare-Marondera.

“Kunaya kwemvura ndiko kuri kumbovhiringidza vashandi vedu vemumigwagwa asi tinovimbisa vafambi kuti migwagwa ichange ichigadzirwa nemazvo kuti vafambe zvakanaka. Hatidi tsaona dzinokonzerwa nekuipa kwemigwagwa. Tine zvakare muzinda wakavhurwa weAsphalt Plant uri kuSkyline unova unogadzira matani 100-120 ePremix paawa imwe iyo tinoshandisa mukunama makomba emumigwagwa. Tichaona kuti migwagwa iri mumatunhu ese yagadzirwa,” vanodaro.

Eng Kangara vanoenderera mberi vachiti: “SeHurumende, tinoda kufambirana nehurongwa hweNational Development Strategy 2 hwekuona kuti migwagwa yese yagadziriswa nekuti takaona kuti migwagwa mizhiji yakadarika nguva yayo yekuti inge ichinhadzirudzwa saka yava kutoda kutanga kugadzirwa patsva tichifambirana nemuono wemutungamiriri wenyika weVision 2030.”

Zvakadai, vamwe vagari vemuChitungwiza vari kuchema-chema nenhau yemakomba emumugwagwa Seke ayo ari kutadzisa vedzimotokari kufamba zvakanaka.

Makomba aya ari kuramba achikura zvichitevera kunaya kuri kuita mvura.

Mai Tecla Bomba vanova mugari wekuSt Mary’s muChitungwiza vanoti mugwagwa waSeke Road wavaonesa chitsvuku.

“Hama dzangu tava kuswera mumigwagwa apo vedzimotokari vanenge vari kuedza kunzvenga makomba aya. Kana misana yedu haichanzwa nekugujurwa. Patinoenda kubasa tinotomukira asi tava kunonoka mazuva ese nekuda kwekuti migwagwa yedu haichafambika,” vanodaro.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×