Hurumende yopa zvekushandisa

Muchaneta Chimuka —
HURUMENDE yakatanga chirongwa chekupa varimi zvekushandisa zvakadai sefeteraiza nembeu pasi pechirongwa cheCommand Agriculture.

Gurukota rinoona nezvekurima nekuvandudzwa kwemichina yemadiridziro, Dr Joseph Made, vanoti zvakakosha kuti varimi vawaniswe zvekushandisa izvi nguva ichiripo kuitira kuti vafambirane nenguva.

Vanoti vanokurudzira vari kuona nezvekugoverwa kwezvekushandisa izvi kuti vafambise chirongwa ichi nekukasika.

“Fetereza iri kupinda munyika muno nokudaro pava neshanduko huru. Asi tinoda zvekushandisa zvakakwana, zvikuru sei kuvarimi vane minda mikuru yechibage nesoya bhinzi vanenge vachida mishonga yekuuraya sora nekukasika,” vanodaro.

“Gore rino, tinofara zvikuru nemvura iri kunaya yakaringana uye tinotarisira kuti icharamba ichinaya zvakanaka kusvika pakupera pemwaka,” vanodaro Dr Made.

Vanoti varimi vasati vadyara havafanire kurasa tariro sezvo pachine nguva huru yekuti vange vachidyara.

“Tinokurudzira varimi kuti varambe vachidyara zvirimwa zvavo nekuti zvirinani kuti vanzi vanonoka kudyara pane kuzotadza zvachose,” vanodaro.

Hurumende yakatanga chirongwa cheCommand Agriculture mwaka wapera nedonzvo rekubatsira varimi nezvekushandisa.

Chirongwa ichi chakabudirira zvikuru izvo zvakaona varimi vachikohwa chibage chinodarika matani 2,7 munyika yose mwaka wadarika chinove chikafu chinokwanirana nekudya kunodiwa pagore.

Pakatanga chirongwa cheCommand Agriculture, varimi vaibatsirwa nezvekushandisa pakurima chibage asi iye zvino chapambira kune zvimwe zvirimwa zvakadai segorosi, soya bhinzi pamwe nekuchikamu chekupfuyiwa kwezvipfuyo zvakasiyana.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *