Hurumende yovandudza madiridziro

Tandayi Motsi
Hurumende iri mushishi kuvandudza zvirongwa zvemadiridziro munyika yose nechinangwa chekuti varimi vawane mvura yekushandisa inokwanirana zvichitevera kusanduka kuri kuita mamiriro ekunze  apo dzimwe nguva mvura isiri kunaya zvakaringana.

Mashoko aya akataurwa negurukota rebazi rezveminda, kurima nekugariswa kwevanhu patsva kumaruwa, Retired Air Chief Marshall Perence Shiri apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weBuhera South mudare reNational Assembly, Cde Joseph Chinotimba, Cde Chinotimba vaida kuziva matanho ari kutorwa neHurumende kuitira kuti varimi, zvikuru vekumapurazi makuru, vange vachiwana mukana wekushandisa madiridziro.

“Mubvunzo wangu ndewekuti kunze kuri kupisa zvikuru uye mazuva mashoma adarika mvura yakanaya kune dzimwe nzvimbo dzenyika.

“Muchabatsira sei varimi vekumapurazi makuru kuitira kuti vave nemadiridziro, zvikuru mukuvakwa kwemadhamu kuitira kuti kana mvura ikanaya iri shoma vanokwanisa kudiridza zvirimwa zvavo?” vanodaro Cde Chinotimba.

Cde Joseph Chinotimba

Rtd Air Chief Marshall Shiri vanoti Zimbabwe ine madhamu nenzizi dzakawanda izvo zvinokwanisa kubatsira zvakanyanya munyaya dzezvirongwa zvemadiridziro.

“Tinoda kuti tishandise mvura yemumadhamu nemunzizi iyi muzvirongwa zvemadiridziro.

“Sebazi, tiri kuita hurukuro nebazi rinoona nezvehomwe yenyika kuitira kuti tiwane mari tigobatsirana nedzimwe nyika mukuvandudza madiridziro agara aripo, zvikuru kumadhamu ayo ange ave nenguva yakareba asiri kushandiswa nekuda kwekuzara jecha zvichikonzerwa negukuravhu. Tiri kuziva dambudziko iri uye tiri kuri gadzirisa.

“Tiri kushanda pamwe chete zvakare nemamwe mapoka ekune dzimwe nyika ayo ari kuti batsira mukupedza dambudziko iri,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *