Hutsanana mukadzi: Parirenyatwa

DAVID-PARIRENYATWAGURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vanoti vanhukadzi vane basa guru rekuona kuti mhuri iri kurarama munharaunda yakatsvinda sezvo izvi zvakakosha mukudzivirira zvirwere.
Vakataura mashoko aya svondo rapera kuMbare, muHarare, pagungano revanhukadzi pachirongwa chekuchengetedza hutsanana icho chaikotsverwa nekambani yeUnilever chinodadzwa kuti “Keeping healthy homes healthier”.

“Tinozviziva kubva nakare kuti musha mukadzi zvichireva kuti hutsanana hunotangwa kumba nanamai vachidzidzisawo vana zvichienda zvichidaro izvo zvinoita kuti tigare tiine utano hwakanaka,” vakadaro Dr Parirenyatwa.

Vakaenderera mberi vachiti kushaikwa kwemvura yemumapombi mumaguta nemadhorobha zvimwe zviri kukonzera kuti zvirwere zvemanyoka zvisapere nekuti vanhu vanopedzisira vave kushandisa mvura yemumatsime asina kuvakirirwa zvakanaka.

“Ndinofara kutaura nemadzimai ekuno kuMbare tichikurudzirana hutsanana hunova nhaka yedu kana tikahuchengetedza. Muna 2008, kuno kwakamboita zvirwere zvemanyoka zvakakonzerwa nekushaikwa kwemvura iro rinongova dambudziko kana nanhasi.

“Vamwe ndivo vava kushandisa mvura yemumatsime asina kuvakirwa zvinova zvinongotidzosera pakupararira kwezvirwere zvemanyoka,” vakadaro Dr Parirenyatwa.

Vakatenda Unilever nekuita zvirongwa zvekukurudzira madzimai hutsanana pamwe nekugadzira mishonga inouraya utachiona hunokonzera zvirwere.

Brand Manager weUnilever, Rufaro Masunda, akati sekambani, vanoda kuti mudzimai wese ave anogona kuchengetedza musha wake pamwe nemidziyo zvakashambidzika.

 

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×