Hwindi akachepeswa nemukadzi

HWINDI wekuendeswa kudare nemukadzi wake achiti anoda $100 yemendenenzi yekuchengeta mwana wake akati anokwanisa kubhadhara $5 chete pamwedzi sezvo chihwindi chisiri kubhadhara.
Polite Ncube akamhan’arira Kudakwashe Moyo kuHarare Civil Court.

Akati: “Murume uyu ane mari, ndihwindi anobata mari zuva nezuva. Ngaachengete mwana wake, kumba kwacho haadzoke anenge achiti ari kurodha vanhu nekushevedzera. Akangobuda pakati pehusiku achiti ane mota yaanoda kunorodha, haana kuzodzoka achinyepa iye akange achairwa nhare neshamwarikadzi kunova kwaakatizira achindisiya kusvika ndakadzokera kumba kwevabereki vangu,” akadaro Ncube.

“Ndinoda $100, imwe ndeyevabereki vangu nekuti ndivo vari kuchengeta mwana wake. Anofanira kuvapawo yemendenenzi mwedzi wega-wega,” akadaro Ncube.

Moyo haana kuwirirana nezvaitaurwa naNcube achiti mari yaanoda yakawandisa.

“Ini ndotokwanisa kumupa $5 chete. Unoda mari yakareba kudaro iwe wakamboibata here? Kumba kwenyu chaiko ndakatadza kana kukubvisira kobiri, ndiwe hako wakada kubika mapoto neni,” akadaro Moyo.

“Mazuva ano ndine nungo dzekushevedzera makombi saka handina chandiri kuwana. Ndinongowana yangu yemudzanga neyesadza zuva rangu rotopera, chihwindi hachisi kubhadhara,” akadaro Moyo. “Vabereki vako ndovapa futi mari yemendenenzi? Ko vave vana vangu here? Ukatoda neyevabereki ndinotozokupa $2 nekuti ndiyo yandinowana, handisati ndakambobatawo $100 iyo yaunoti unoda.”

Mutongi Babra Masinire akati Moyo abhadhare $40 pamwedzi.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×