‘Ibva pano, enda kuna amai vako kumakuva’

Lizzy Mushoriwa —
MUZUKURU wekuti ari kudzingwa pamba pevabereki nasekuru vake vamuchiti ndiye akauraya amai vake akaridza mhere mudare.

Nyasha Oswell (22) akaendesa hanzvadzi yamai vake, Maxwell Kacherera, kudare reHarare Civil Court achiti vari kumushungurudza zvikuru.

“Sekuru vanondidzinga pamba vachiti ivo ndivo vave kutonga pamba apa sezvo amai vangu vakashaya. Asi imba iyi ndeyaamai vangu uye ndaigara navo vasati vashaya,” anodaro Oswell.

Anoenderera mberi achiti Kacherera ane tsika yekumutuka uye kumurova achiti ndiye akauraya amai vake.

“Sekuru vanondirova vachindituka nemashoko anorwadza uye kana vachinge vandidzinga vanobva vati ndiende kumakuva kuna amai vangu zvokuti pari zvino handisi kutogara kumba ikoko,” anodaro achisvimha misodzi.

Oswell anoti pakafa amai vake, Kacherera akauya kuzogara pamba apa uye akagova zvinhu zvose kusara kwezvishoma izvo zvaanoti ndezvake.

“Pakafa amai, sekuru vakauya kuzogara pamba kuEast View ndokubva vagova zvinhu zvose zvakasara vakati ndezvavo, ini ndokusiiwa ndisina chinhu,” anodaro Oswell.

Kacherera anoudza dare kuti mashoko akawanda ari kutaurwa nemuzukuru wake manyepo uye chaanongoziva chete ndechekuti anomurova apo anenge amudenha achida kuita zvemhirizhonga naye.

“Mukomana uyu anonyepa, kumurova ndinomurova nekuti ndiye anenge atanga bongozozo achiti ndibve pamba paamai vake.

‘‘Ane tsika yekutora nhumbi dzangu nedzemudzimai wangu achipfeka, pamba handibve nekuti ndini ndiri kubhadhara mari inodiwa kukanzuru saka ndikabva inobhadharwa nani iye Oswell asingashande?” anodaro Kacherera

Oswell anopikisa achiti sekuru vake hapana mari yavanobhadhara kukanzuru.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Oswell gwaro rerunyararo ndokuti Kacherera achengetedze runyararo nemuzukuru wake.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×