‘Igomarara, kuroyiwa, chipotswa’

CHAMANGWIZA wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Obadiah Moyo, vanoti murume wekuChimanimani uyo akamera zibundu padivi redumbu rake anoda kubatsirwa nekuchimbidza kuburikidza nekuvhiiwa.

“Kune zvakawanda zvinoitika panokura nyama kudai asi kakawanda kacho rinogona kuita gomarara. Saka tinoti murume uyu aende kumachiremba anobatsirwa nenguva. Zvinhu zvinowanikwa munhu achitorapwa zvichipera,” vanodaro Dr Moyo.

Asi Madzibaba Passmore Chinovava kana kuti Madzibaba Prangadai wekuMt Hampden anoti murume uyu anogona kunge akaroyiwa.

“Hakuna chirwere chinouya pamunhu pasina mweya wakaipa, kana AIDS chaiyo inodhonzwa nemweya yakaipa kuuya pauri. Saka mikana yekuti murume uyu akaroyiwa iripo, ngavafambe kumaporofita,” anodaro Madzibaba Prangadai.

Kuchiti VaPatrick Kapfunde (54) — avo vanonyanya kuzivikanwa nekuti Sekuru Bhaureni kuMt Darwin — vanoti dambudziko rakadai rinonyanyodyidzana nezvitsinga kana kuti zvipotswa.

“Pamarapiro edu pachivanhu tinowana murume uyu akaiswa chipotswa, unogona kuita zvekutsika mumugwagwa kana kunhonga mari yakaiswa zvipotswa wozorwara pava paye,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *