Imbobheka madhonanzi

ZVIRI MUGAPU

MADHONANZI kudya kwemangwanani pamwe neparwendo uye anopa simba kumuviri.

Svondo rino Godfrey Ncube wekuBulawayo anotsanangudza mamwe mabhekerwo emadhonanzi.

Zvinodiwa:

Furawa, mbiriso, majarini, shuga, munyu, tireyi kana pani neicing cream.

Mabikiro:

Dira makomichi mana efurawa mukadhishi.

Isa zvipunu zvishanu zveshuga nechidimbu chemunyu netumbiriso twushomanana.

Isa zvipunu zviviri zvemajarini nemvura shoma inodziya wokanye kusvika zvakora semusuva wesadza.

Chimbovhara kwemaminitsi 30 kuti zvifute.

Wozodii?

Umba furawa kuita setambo.

Chigadzira mamiriro aunoda akadai sedenderedzu.

Zorera majarini patireyi kana pani woisa zvawaumba zviye.

Kanda muhovhoni inopisa zviibve.

Kana atsvukira, zora kirimu yaunoda.

Madhonanzi anogona kudyiwa uchinwa netsvutugadzike kana zvimwe zvinwiwa nekuti unogona kudzipwa kana ukaadya akadaro.

 Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *