Imbobika huku

Zviri Mugapu na Muchaneta Chimuka

NYAMA yehuku haingodi kubikwa nenzira imwe chete sekufuraya kana kuti kukanga-kanga nemafuta sezvo ichipedzsira yave kufinha kuidya.Svondo rino Mai Natasha vekuZengeza 3, kuChitungwiza, vanotsanangura pamusoro pekubika nyama yehuku inonzi chicken stew nenzira isiri yekukanga nemafuta.

Zvinodiwa:

Tengai nyama muzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo kana kuti munogona kuuraya huku yenyu zvine utsanana monyatsoiundura kusvikira manhenga ose abva.

Gezai huku kusvikira yachena mocheka zvidimbu zvakafanira.

Matomatisi, hanyanisi, green paper, munyu nechicken spice.

Mabikiro:

Chekai green paper nehanyanisi moisa munyu wakafanira.

Kangai hanyanisi mumafuta mashoma mozokanda matomatisi negreen paper.

Wodini?

Chikandai nyama yehuku mupoto makare mosiya zvimbokwata kwemanimitsi gumi nemashanu. Musaregedze nyama ichinyanya kuibvisa zvekusvika pakubvungunjika.

Kana muchifarira masipaisi munogona kuisa chicken spice.

Munokwanisa kudya nyama nesadza jena riri dete.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 773 394 753.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *