Tsigirai Jazz: Bhomba Chikara

MUIMBI weJazz ari kusimukira, Costa Mhesvumutamba — uyo anozivikanwa saBhomba Chikara — anoti zvakakosha kuti vatsigiri vemusambo uyu vautsigire zvizere sezvo pari zvino uri kudzikira zvikuru. Bhomba Chikara, uyo anotsigirwa nechikwata cheBlack Eye Band, anoti misambo yakaita seSungura neZim-dancehall iri kuita mukurumbira nemashoo asi Jazz iri kusarira kumashure.

“Isu vaimbi veJazz tiri kusarira kumashure nekuti rutsigiro rwatiri kuwana rushoma kana takatarisa mimwe misambo ine chaunga muno.

“Vashoma vaimbi veJazz vanoyemurwa muno vakaita saOliver Mtukudzi uyo agara kubva nakare ndiye anongofarirwa nevatsigiri vemusambo uyu.

“Isu tiri kusimukira tine chishuvo chekuti musambo uyu ufarirwe sezviri kuitwa mimwe misambo,” anodaro Bhomba Chikara.

Kubva paakatanga kuimba, Bhomba Chikara atsikisa madambarefu matatu anoti Nhava (2013), Riva (2015) naNgoma Kurira (2016) uye achangobva kubura DVD reNgoma Kurira.

Muimbi uyu anoti mhanzi yake inodzidzisa zvezvetsika nemagariro. Anoti akakurira mumhuri inoremekedza kuve nehunhu hwakanaka izvo zvinove zvinomutuma kutsikisa nziyo dzinokurudzira tsika nemagariro anoyemurika.

“Mutsika nemagariro edu, tinoda hunhu hwakanaka kana uchida kugarisana nevamwe zvakanaka saka zvakandikoshera ini muhupenyu hwangu.

“Ndakakura ndichidzidziswa hunhu hwakanaka kwandakabva ndosaka ndichiimba nziyo dzine chekuita netsika nemagariro,” anodaro Bhomba Chikara.

Anoti ari kutarisira kuita mashoo munguva inotevera sezvo parizvino ari kumhanya-mhanya kutsvaga midziyo yekushandiswa yakaita semagitare.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *