Imbobika matemba seizvi

MATEMBA anonaka zvikuru kana achinge abikwa nehunyanzvi uye ndichirera mhuri sezvo ari iwo akabata dzimba dzakawanda nekuda kwemutengo wawo uyo wakaderera kana zvichienzaniswa nenyama.

Svondo rino Tatenda Shuro wekuMarondera anotsanangudza mamwe mabikirwo eusavi hwematemba.

Zvinodiwa:

Chikari, poto kana pani, hanyanisi, matomatisi, munyu, mafuta, matemba, chipunu kana mugoti.

Mabikiro:

  • Tora matemba wonyika mumvura inopisa kwemaminitsi makumi maviri.
  • Cheka hanyanisi nematomatisi zvakasukwa zvakanaka.
  • Chigadza chikari, poto kana pani pamoto woisa mafuta uye kana achinge apisa, chitora hanyanisi nematomatisi woisa imomo.
  • Kanga kusvikira zvanyatsotsvukira wozotora matemba woisa.
  • Kwidibira zvombokwata kwemaminitsi angasvika makumi matatu.
  • Raidza usati waisa munyu nekuti matemba ane munyu wakawanda.
  • Munogona kudya usavi uhu nemupunga kana nesadza remhando yamunoda.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *