Imbodya sadza nehowa

ZVIRI MUGAPU NAMUCHANETA CHIMUKA
HOWA kudya kunovaka muviri sezvo kuine mapuroteni ayo akanakira pakudzivirira zvirwere.

Svondo rino Mariam Mutukirwi wekuZaka, kuMasvingo, anorondedzera mamwe mabikirwo ehowa zvemandorokwati.

Zvinodiwa:

Howa hwemhando yaunoda, munyu, matomatisi, hanyanisi, godzamuto rehowa (mushroom soup) negarlic.

Mabikiro:

Geza howa kusvikira hwachene.

Isa muchikari, wodira makomichi maviri emvura.

Isa pamoto, wosiya huchikwata kusvikira hwaibva.

Isa mafuta wochikanga.

Chichekerera hanyanisi, matomatisi zvose negarlic.

Isa munyu wakaringana woramba uchikanga.

Kana zvatsvukira, chiisa godzamuto rehowa kuti husare huine muto wakakorerera.

Wozodii?

Chibura unakirwe nemhuri.

Howa hunodyiwa nesadza jena, rezviyo, remhunga kana remapfunde. Vamwe vanodya nemupunga.

Asika, musazotenge howa hwemumikoto kana mumigwagwa nekuti munogona kutengeserwa humwe hunokora mukafa naho. Tengai muzvitoro zvakanyoreswa pamutemo.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *