VANA vechikoro vari kukurudzirwa kuti vakoshese zvidzidzo zvavo sezvo fundo iri nhaka yeupenyu kwete kumhanyirira zvisina zera navo zvakaita sekuroorwa kana kuroora.
Kurudziro iyi yakaitwa nemutevedzeri wemukuru Zimbabwe Prisons and Correctional Services, Deputy Commissioner-General Agrey Huggins Machingauta paSaint Francis Bosha High School apo vaiva muenzi mukuru svondo rapera.
Pachikoro apa paive nechirongwa chekupa vana mazano pamusoro pemabasa avangade kuita mune remangwana, che“career guidance”.
“Vana vamazuvano vava nemukana wakakura chaizvo wekuti vaite zvidzidzo zvavo vakasununguka. Zvasiyana nekare apo zvikoro zvaiva zvishoma uye pakanga pasina rusununguko rwekuenda kuchikoro.
“Nguva dzatakakura dzakanga dziri nguva dzehondo, tikazopinda chikoro zvekushingirira uye tave vanhu vakuru. Vana vanofanira kutora mukana uyu wekuti pari zvino tasununguka voenda kuchikoro. Zvekumhanyira kuroorwa kana kuroora kwete,” vakadaro Dep Comm-Gen Machingauta.
Vakarumbidza chirongwa che“career guidance” vachiti chinobatsira kuti vadzidzi vafunde vaine chinangwa pamwe neruzivo rwemabasa avachada kuzoita.
“Kazhinji vana vekumadhorobha ndivo vane mukana wekuwana zvirongwa zvakadai.
“Zvisinei, vana vekumaruwa havafaniri kuzvitarisira pasi nekuda kweizvi. Vanofanira kudzidza nesimba kuti vabudirire, vapase nekuti kugona muchikoro kunoita kuti mwana akwanise kuenda kupi zvako kwaangada nedzidzo,” vakadaro.
Zvakadaro, Dep Comm-Gen Machingauta vari kubatsira vamwe vana vepachikoro ichi nemari yedzidzo, mayunifomu pamwe nezvimwe zvinodiwa mukudzidza.
Vakabatsirawo zvakare chikoro cheInyaguwe Primary School nekombiyuta pamwe neChipangura Primary School iyo vakapa zvigaro zvevana.
Vachitaurawo pagungano iri, VaKimpton Katiyo, avo vanova District Remedal Tutor-in-Charge of Learner Welfare, vakati “career guidance” chirongwa chakanaka sezvo chichipa vana mikana yekudzidza zvakawanda maererano nemabasa akasiyana.
Vamwe vaivepo pachiitiko ichi, avo vakadzidzisa vana zvavanoita kumabasa avo, vanosanganisira veNyaradzo Group, Trafic Safety Council of Zimbabwe, Zimbabwe National Army neZimbabwe Republic Police.




