Imwe nzira yekukanga mazai

MAZAI kudya kunovaka muviri sezvo kuine mapuroteni akawanda ayo anobatsira mukurwisa zvirwere mumuviri kumazera ose.

Svondo rino, Juliet Ncube wekuBulawayo anotitsanangura mamwe mabikirwo emazai zvemhando yepamusoro.

Zvinodiwa:
Mazai matanhatu, cheese, matomatisi, munyu, mafuta, hanyanisi, pani kana poto.

Mabikiro:
Tora komichi wopwanyira mazai ose imomo.
Isa munyu mushoma wokurunga kusvika zvasangana.
Cheka hanyanisi nematomatisi wokanga nemafuta mashomanana.
Dira mazai mukati wokanga zvakare kwemaminitsi mashanu.
Wozodii?
Kana zvaibva, chekerera cheese wosanganisa.
Siya zvisangane kwemaminitsi matatu. Kana zvadai, chibura upakure mugonakirwa nemhuri.
Mazai anodyiwa nesadza, unogona kuaisa pachingwa, kudya nemupunga kana kuchachura akadaro sezvido zvako.
Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *