‘Ipa vana rudo, rutsigiro’

Nyasha Mutena
RIMWE sangano rakazvimirira, reRegional Psychosocial Support Initiative, rinoti vana vanoda rudo, rutsigiro pamwe nedziviriro kubva kuzvimhingamupinyi zveupenyu zvinosanganisira izvo zvinogona kuvatadzisa kuti vadzidze zvakanaka. Chamangwiza weREPSSI, Mai Noreen Huni, vakataura mashoko aya muHarare pamusangano wekuparura chirongwa chekusimudzira raramo yevana nguva pfupi yapfuura.
Mai Huni vanoti sangano ravo, iro rakavambwa mugore ra2002, rava kunyika dzinokwana 13 muAfrica uye vanoshuvira kuti ritekeshere pasi rose.

Vanoti vamwe vana vari kutiza mumisha yavo vachisiira chikoro panzira nekuda kwekushungurudzwa nenzira dzakasiyana nevabereki kana kuti nevachengeti vavo.

“Chirongwa ichi chiripo pakusimudzira upenyu hwevana uye vabereki ndapota, rangai vana muchiziva pekugumira, ngatidzidzisei vana vedu hunhu hwakanaka,” vakadaro Mai Huni.

Vanoti pasi pechirongwa ichi, vana vanodzidziswa hunhu hwakanaka apo vanoratidzwa rudo rwakazara pamwe nerutsigiro nekudzivirirwa, zvikuru kubva kuzvimhingamupinyi zvingade kukanganisa upenyu hwavo.

Achitaurawo pachiitiko ichi, Junior Mayor weHarare Ebenezer Nobela, akati chirongwa ichi chinovakurudzira sevechidiki uye ishuviro yavo kuti pave nezvirongwa zvakadai zvakawanda sezvo zvichivandudza upenyu hwavo.

Akati anoshungurudzikana zvikuru nevana vanorarama mumigwagwa avo vamwe vacho vanopedzisira vave kuita mabasa ehunzenza, kuputa pamwe nekunwa zvinodhaka.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×