Bvunzo dzeo-level dzodzokorodzwa

VADZIDZI vakanyora bvunzo dze2014 Zimbabwe School Examinations Council dzeO-Level English Paper 1 ne2, uye Mathematics Paper 1 ne2 vari kuzonyora bvunzo idzi patsva zvichitevera kufanoonekwa kwakaitwa mapepa ebvunzo idzi nechikiribidi nguva yekunyorwa kwadzo isati yasvika kudunhu reMidlands svondo rapera pamberi.

Sachigaro webhodhi reZimsec, Professor Levi Nyagura, vakati bvunzo idzi dzakasetwa patsva.
Zimsec inoti bvunzo dzeEnglish Paper 1 dzichanyorwa patsva musi waMbudzi 24, English Paper 2 ichizonyorwawo musi waMbudzi 26.
Mathematics Paper 1 ichanyorwa zvakare musi waMbudzi 25, Paper 2 ichizonyorwa musi waMbudzi 27.

“Mapepa ebvunzo akasetwa patsva achatumirwa kuzvikoro kuburikidza nemahofisi eZimsec ari kumatunhu akasiyana,” vakadaro.
Zimsec, vakadaro Prof Nyagura, yakatora danho iri mushure mekunge yaita hurukuro negurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Cde Lazarus Dokora. Vakati danho iri rakakosha zvisinei nekuti rinokanganisa vana vazhinji vakanyora bvunzo idzi avo vakange vasina kuona mapepa akaburitswa nechikiribi aya.

“Tinonzwisisa kukanganisika kuchaitika kuvana vakawanda vakanyora bvunzo dzavo mune zvakanaka avo vachanyora bvunzo idzi kechipiri,” vakadaro Prof Nyagura.

“Izvi hazvikwanisiki kuti zvisaitwe kuitira kuti bvunzo idzi dzive nechiremerera.”
Mashoko aya anotevera nyaya yakaburitswa nebepanhau reThe Sunday News musi waMbudzi 9 apo chamangwiza wesangano rinomirira vadzidzisi, reZimbabwe Teachers Association, VaSifiso Ndlovu vakange vati bvunzo idzi hadzisi kuzonyorwa patsva.

VaNdlovu vakange vati vana vashoma-shoma chete ndivo vakange vaona mapepa ebvunzo idzi ayo akaburitswa nechikiribidi uye kuti bazi redzidzo rakange rati hadzisi kuzonyorwa zvakare.

Mapepa ebvunzo aya akaburitswa nechikiribi pachikoro cheWhata Secondary School kuLower Gweru uye vashandi vatanhatu vepachikoro ichi, kusanganisira mukuru wechikoro, varairidzi vana nemumwe anoona nezvekubika avo vakatosungwa nekuda kwenyaya iyi.

Gore rapera, mapepa ebvunzo dzeGeograph Paper 2 neIntergrated Science akaburitswa zvakare nechikiribi zvakaita kuti dzikanzurwe.
Muna 2012, mapepa ebvunzo 13 dzeO-Level akasetwa patsva nemari inokosha $US850 000 mushure mekunge mumwe mukuru wechikoro aashaya apo aibva kunoatora kuBulawayo achienda nawo kumusha kwake. – The Herald.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×