Ipai Perez nguva: Wenger

MUTAMBI mutsva weArsenal, Lucas Perez, anoda nguva chete kuti atange kunwisa kuArsenal, anodaro maneja Arsene Wenger apo muchinda uyu ari kuedza kusimukira muPremier League.Perez, uyo akabva kuDeportivo La Coruna mwedzi wadarika, akanwisa ka17 muLa Liga apo chikwata chake chakapedza chiri pechitanhatu kubva pasi.

Mutambi uyu, uyo ane makore 28 okuberekwa, akatamba mutambo wake wekutanga muEngland apo Arsenal yakakunda Southampton 2-1 musi weMugovera wadarika.

Shkodran Mustafi, anove mutambi wekumashure,  akatambawo kekutanga kuNorth London mumutambo mumwe chetewo uyu.

“Hazvisi nyore kutanga uri kumba kwako, pane zvakawanda zvinenge zvakakutarira, maziso evatsigiri anenge ari pauri,” Wenger akanyora padandemutande reArsenal.

“Maingozvionera mega kunyanya pana Mustafi kuti musecond-half ange akadzikana pane zvaaive muchikamu chekutanga. Ngatipe Lucas nguva. Takatenga mumwe mutambi wekumberi nekuti taifunga kuti tinoda mumwe. Ngatisamhanye kutaura zvakawanda pamusoro pake.” – Daily Mail Football.

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *