Maamburenzi evarwere vetb

BAZI rezveutano nekurerwa kwevana svondo rapera rakabatsirwa nemaamburenzi masere pamwe nemichina yekuvhenekesa chirwere cherurindi (TB) pasi pehomwe yeGlobal Fund izvo zvinotarisirwa kusimudzira zvikuru nyaya dzeutano munyika.

Maamburenzi nemichina iyi zvichaendeswa kuzvipatara zviri kumatunhu akatsaukana muZimbabwe.

Michina yekuvheneka chirwere cherurindi iyi inosanganisira yemhando ye”audiometric machine” neyemaX-ray uye ichabatsira mukurapwa kwevarwere avo vairarama kwemakore mazhinji vasingazive kuti vane denda iri, zvikuru iro risingarapike nyore (Drug Resistant Tuberculosis (DRTB).

Vachitaura pakukumikidzwa kwemaamburenzi aya nemichina iyi pachipatara cheWilkins Hospital, muHarare, gurukota rebazi iri, Dr David Parirenyatwa, vanoti rubatsiro urwu rwakakosha mukusimudzira utano munyika.

“Rubatsiro urwu rwuri kunyanya kunangana nevanhu vanotambura, vana, vakwegura nevanogara munzvimbo dzakamanikana uye rwuine chinangwa chekuderedza chirwere cherurindi.

Maamburenzi aya achabatsira mukutakura varwere verurindi.

“Chirwere ichi ndicho chiri pamusoro pakuuraya pasi rose saka kuburikidza nemushandirapamwe uyu, tinoda kuti chinge chichiderera mukupararira uye michina iyi ichabatsira kuti varwere vange vachivhenekwa kuti vagone kurapwa nenguva,” vanodaro.

Dr Parirenyatwa vanoti rurindi kana rwukanonoka kurapwa, murwere anogona kuzoguma asingachanzwe zvakanaka.

“Chirongwa cheGlobal Fund chichaenderera mberi nekubatsira muzvipatara. Maamburenzi aya achange achitutsira pane mamwe makumi maviri akambowaniswa kuzvipatara izvi pasi pechirongwa ichi,” vanodaro.

VaDonald Tebayo, avo vanova murongi mukuru anomiririra nyika ino muchirongwa cheGlobal Fund, vanoti pane budiriro huru iri kuitwa nesangano iri mukurwisa chirwere cherurindi icho chadzika midzi (DRTB) kuburikidza nekuwanisa zvipatara zvekushandisa zvakakwana..

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *