IREZA MUCHIKORO . . . Mibairo 16 mumakore maviri

MUSIKANA wechidiki wekuChitungwiza ari kuita zvinorova muchikoro pamwe chete nezvigadzirwa zvesainzi izvo zvaona achikumba mibairo inosvika 16 mukati memakore maviri adarika.

Valentine Shoti (18), uyo ari kuita Form 4 paZengeza 1 High, anoti kugona kwake kuri mukushingirira nezvechikoro pamwe chete nechido chaainacho muzvigadzirwa zvesainzi.

“Ndinofara chaizvo nemagwaro ose aya nekuti anoratidza nerimwe divi kuti ndinoziva zvandinoendera kuchikoro uye kuti ndinoterera zvandinodzidziswa nevarairidzi.

“Ndinotenda zvakare mukuru wechikoro chedu — VaJaiphas Runesu — avo vanondipa kurudziro yakaita kuti ndiwane mibairo nemagwaro zvekugona muchikoro nemumakwikwi ezvidzidzo zvesainzi, pamwe pacho ndichimiririra nyika,” anodaro Shoti.

Pamaibairo yaShoti, misere akaihwapura pachikoro, kusanganisira yezvidzidzo zvesainzi nekungokunda muzvimwe zvidzidzo.

Mimwe mishanu akaiwana kubva kubazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari pasi pechirongwa chezviratidzwa zvesainzi, cheScience Fair. Mimwezve mitatu akaitora kuburikidza nechirongwa cheYoung Scientist Exhibition apo akapinda mumakwikwi aya achimiririra nyika. Shoti anoti ari kutarisira kubuda zvakanaka pabvunzo dzake dzeO-Level idzo dzaari kunyora pari zvino kuitira kuti akwanise kuenderera mberi nedzidzo yake.

“Chinangwa changu chikuru ndechekuti ndipase pabvunzo dzandiri kunyora, kunyanya kuzvidzidzo zvesainzi. Ndiri kutarisira kupfuurira mberi nechikoro kuti ndizokwanisa kuita zvidzidzo zvepamusoro zvesainzi, kunyanya zvekugadzirwa kwemishonga (pharmacist).

“Ndine shuviro zvakare yekuti ndizokwanisawo kupinda nezvigadzirwa zvangu zvandakaita zvose munanamazvikokota (labs) uko kwandinoda kuti zviongororwe ndigozokwanisa kuzviisa pamisika mikuru zvichindiwanisa chouviri.

“Dambudziko guru randiinaro nderekuti ndinoda kuenderera mberi nechikoro asi handisati ndava kuziva kuti achandibatsira ndiyani sezvo ndaimbowana rubatsiro kuchirongwa cheBasic Education Assistance Module (Beam),” anodaro mwana uyu.

Vanoziva nezvemwana uyu vanoti anorarama upenyu hwekutambura sezvo achichengetwa naambuya vake avo vakwegura. Mimwe yemibairo yaShoti akaipihwa nemasangano anosanganisira Research Council of Zimbabwe neZimbabwe Science Fair.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *